Musadzose mahwindi: PAZ

Abel Ndooka

SANGANO rinomirira vanhu vanofamba nemabhazi eruzhinji nemichovha inosanganisira makombi, rePassengers Association of Zimbabwe (PAZ), rinoti kana makombi akapihwa mvumo yekuti achidzoka mumigwagwa, havadi kuona mahwindi sezvo achishungurudza vafambi zvikuru.

Muhurukuro neKwayedza, VaTafadzwa Goliat — avo vanova mutungamiri wePAZ — vanoti hunhu hwemahwindi hauna kunaka nekuti vanokonzeresa nyonga-nyonga pazviteshi uye mumigwagwa izvo dzimwe nguva zvinoisa upenyu hweveruzhinji panyatwa.

“Takumbirisa, mahwindi hatisi kuda kuvaona pedyo nemakombi uye mumigwagwa nekuti vanokonzeresa. Vanoshungurudza vanhu nekuvadhonza vachiti huyai mupinde mukombi iyi kana iyo. Saka pakudaro vanhu vanobirwa, vamwe vanogona kutokuvara.

“Makombi kumira kwaanoita pose-pose dzimwe nguva kunokonzeresawo saka ngaapinde muzviteshi umo maanotenderwa,” vanodaro.

Svondo rapera, masangano anomirira makombi akakumbira kuita musangano neHurumende nechinangwa chekuti paitwe hurukuro maringe nemashandiro anozoita vemakombi kana vachinge vatenderwa kuti vachitangazve kushanda.

VaGoliat vanoti makombi kana akabvumirwa kuti achitanga kufamba, anofanirwa kutevedza mitemo yose yakadzikwa neHurumende uye ngaave akakodzera kufamba mumugwagwa.

Pari zvino makombi ari kutenderwa kufamba ndeakanyoreswa kuti ashande ari pasi pekambani yeZupco.

“Denda reCovid-19 richiriko, harisati rapera saka zvakakosha kuti vemakombi vatevedzere mutemo vachengetedze utano hwevanhu vavanenge vatakura. Kana panopinda vanhu mumakombi ngavavazore sanitiser uye makombi acho ngaagare akachena, achifiritwa nguva nenguva. Upenyu hweveruzhinji hwakakosha uye hunofanira kuchengetedzwa zvakanaka,” vanodaro.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×