Vanasikana vechikoro vobatsirwa
SANGANO reSparkRead Trust rinoti riri kubatsira vanasikana vanobva kumhuri dzinotambura avo vari kuita zvidzidzo zvesainzi mugwaro reFomu 6 panguva iyo nyika yakatarisana nekurwisana nechirwere cheCovid-19.
Musoro wemwana wakatengeswa US$1 500
MURUME wekwaMurehwa wekusungwa nemapurisa nemhosva yekuponda kamwana keko kane makore manomwe ekuberekwa nechinangwa chekukachekeresa anonzi akavimbiswa kubhadharwa US$1 500 yemusoro wemwana uyu.
‘Musavarairwe, denda richiriko’
NYAYA yekuti vanhu vasaite chitsoko-tsoko nekupfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungana veruzhinji nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 richiri dambudziko guru, dzimwe nyanzvi dzinodaro.
Zvichangoitika: Nyakuponda mwana (7) wekwaMurehwa asungwa
Munyori weKwayedza MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anozivisa kuti vasunga murume mumwe chete nemhosva yekupondwa kwekamwana kemakore manomwe kekwaMurehwa svondo rapera ako kane mutumbi wakazonhongwa wakadimburwa musoro, maoko nemakumbo ose…
Vonhonga nhengo dzevana musango
NHENGO dzemuviri dzevana vanofungirwa kuti vakapondwa ndokuchekereswa dzakawanikwa dzakamwararidzwa musango riri mubhuku raMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa svondo rapera.
Shato yemuhotera yomuzvimbira
MUTONGI wedare reMutare Magistrates Court svondo rapera akapa gwaro rekusunga mukadzi anonzi anoita basa rekutengesa muviri wake apo asina kuenda kudare iri zvichitevera kupomerwa kwaari kuitwa kuti akawanikwa aine mukweshwa wenyoka yerudzi rweshato yakareba mamita matanhatu muimwe hotera iri maMutare.
Ngozi yopedza dzinza…15 vafa munguva pfupi
NGOZI inonzi iri kubhebha mune imwe mhuri yekwaMambo Zimunya, kwaMutare, uko yauraya vanhu vanodarika 15 mumakore gumi adarika — 4 vavo vakafa mumwedzi waNyamavhuvhu uno bedzi.
Zupco yopa vana vechikoro mabhazi
KAMBANI yeZimbabwe United Passenger Company (Zupco) ichapa mabhazi ekutakura vana nevarairidzi pachavhurwa zvikoro svondo rinouya nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Machiri hutu nemubairo
MUNYORI weKwayedza, Daphne Machiri, nemusi weMuvhuro uno akahwapura mubairo weAfrican Charter on Democracy, Elections and Governance (ACDEG) (first runner-up) mushure mekunyora nyaya zvine hunyanzvi pamusoro pekukosha kwekuti vanhukadzi vapinda mune zvematongerwo enyika.
ZC yorongera Pakistan
CHIKWATA cheZimbabwe Cricket (ZC) chemaChevrons svondo rino chakatanga gadziriro dzekuenda kunokwikwidza nePakistan mumitambo mitanhatu yeOne Day International nemitatu zvekare yeTwenty20 International.











