‘Covid-19 yajekesa kukosha kweICT’

Mukudzei Chingwere KUUYA kwechirwere cheCovid-19 kwaburitsa pachena kukosha kwenyaya dzekushandisa makombiyuta nedandemutande (Information Communication Technology) mukusimudzira upfumi hwenyika uye Hurumende iri kutora matanho akasimba ekuti chikamu ichi chivandudzwe. Matanho ari…

Vowana mvura yakachena

Kingstone Mapupu MAMBO Goronga vekuMudzi, kudunhu reMashonaland East, vanoti kunyangwe zvazvo chirwere cheCovid-19 chashungurudza vanhu munyika muno nepasi rose, nekune rimwe divi chapa mukana wekuvandudzwa kwemabasa ehutsanana anosanganisira kucherwa kwezvibhorani…

Musangochema neCovid – ZFU

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti ino haisi nguva yekuramba varimi nevamwe vemabhizimisi vachichema-chema kuti chirwere cheCovid-19 chakanganisa mabasa avo, asi yekutsvaga nzira dzechizvino-zvino dzekuzvishambadza nadzo kuitira kuti vafambirane nenguva.

. . . GZU yofamba nendima

GREAT Zimbabwe University (GZU) iri kuramba iri pamberi panyaya dzekurwisa Covid-19 zvichitevera kuparura kwayakaita fakitari yekusona nhumbi dzinoshandiswa nevari muchikamu chezveutano (personal protective equipment kana kuti PPEs) nemimwe midziyo inodzivirira kutapurirana chirwere ichi.

Vokurudzirwa kuita hutsanana

Kingstone Mapupu MADZIMAI echidiki anogara muZvishavane, kuMidlands, ari kushanda neveruzhinji mudhorobha iri kurwisa chirwere cheCovid-19. Mutungamiri wechikwata chemadzimai ichi, Muzvare Mercury Chanetsa (40) – uyo anonyanya kuzivikanwa mudhorobha iri saAntie…

Bvunzo: ‘Gadziriro dziri mugwara’

Munyori weKwayedza BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti riri mushishi yekutora matanho ekuona kuti nguva yose yakaraswa vadzidzi vasiri kuenda kuchikoro nekuda kwechirwere cheCovid-19 yadzoreredzwa kuitira vaya vari kuzonyora bvunzo munaMbudzi.…

Mota dzemapurisa dzorwisa Covid-19

Kingstone Mapupu CHIKAMU chemapurisa eZimbabwe Republic Police, cheSupport Unit, chiri kurwisa kupararira kweCovid-19 kuburikidza nekusevenzesa motokari dzinoshandiswa mukuchengetedza runyararo kufirita nzvimbo dzakasiyana nemushonga unouraya hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19. Mutauriri…

Akaponda mukuwasha

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekwaNyamweda, kuMhondoro ari kuferefeta nyaya yatezvara weko anonzi akaponda mukuwasha wake apo aimupomera mhosva yekumuwanikidza achida kumubira mbudzi dzake muchirugwi pakati pehusiku. Clever…

Akachena haatye kurehwa

naWedzerai Nhemachena POSE panotungamirwa vanhu hapashaikwe zvirehwa-rehwa — mungava mudzimba, mumakambani, mumakereke kana munyika. Vanhu vanobatanidza nyaya dzavo kuti dziite zvirevo zvavanofungidzira kana mashoko asingafambe zvakanaka muvanhu. Nokudaro vari kutungamira…

‘Curfew’ yanyevenutswa

Leroy Dzenga HURUMENDE yanyevenutsa nguva inotenderwa veruzhinji kufamba pasi pechirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (curfew) kubva na8 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani uye vemabhizimisi vachavhura na8 kuseni vachivhara na4.30 zuva rovira. Matanho…

×