‘Covid-19 yajekesa kukosha kweICT’

Mukudzei Chingwere
KUUYA kwechirwere cheCovid-19 kwaburitsa pachena kukosha kwenyaya dzekushandisa makombiyuta nedandemutande (Information Communication Technology) mukusimudzira upfumi hwenyika uye Hurumende iri kutora matanho akasimba ekuti chikamu ichi chivandudzwe.

Matanho ari kutorwa kudzivirira kupararira kwechirwere ichi aona vashandi vakawanda vemuHurumende, vemumakambani nemapoka akasiyana vachinzi vashande vari kudzimba kuburikidza nekusevenzesa makombiyuta nedandemutande.

Mashoko aya akataurwa negurukota rekuvandudzwa kwemichina yekufambisa mashoko, posvo nedzinhare, Dr Jenfan Muswere svondo rapera pavaiparura chirongwa cheCommunity Information Centre (CIC) kuMashava.

Hurumende yakatotora matanho ekuti pave negwaro reNational ICT Policy izvo zvakaita kuti huwandu hwevanhu vanoshandisa dandemutande hukwire kusvika pa8 miriyoni pakupera kwa2019.

“SeHurumende, tinoramba takazvipira muchirongwa chekuti pashandiswe dandemutande munyaya dzekusimudzira upfumi hwenyika uye kuti vanhu vave neruzivo rwakadzama,” vanodaro Dr Muswere.

Vanoti Hurumende inotsigira zvikuru chirongwa chekuvhara mikana panyaya dzekuwaniswa ruzivo nechinangwa chekuti vagari vekumaruwa vakwanisewo kushandisa ICT sezvinongoitwa mumaguta nemadhorobha.

Dr Gift Machengete, avo vanove director general wePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (POTRAZ), vanotsinhira vachiti pasi rose, nyaya dzekushandiswa kwedandemutande pakuita mabhizimisi nezvimwe dziri kusimukira zvikuru.

“Kuparaurwa kwechirongwa cheCIC kunondifadza zvikuru sezvo mizinda yakadai ichiita kuti pashaye anosaririra kumashure nekuti pasi rose rave nyika imwe.

“Mizinda yakadai inoita kuti nharaunda dzekumaruwa dzifanane nedzemumadhorobha panyaya yekuwana ruzivo,” vanodaro Dr Machengete.

Gurukota reHurumende rinomirira Masvingo, Cde Ezra Chadzamira, vanorumbidzwa basa riri kuitwa nePOTRAZ.

Mabhindauko ari kuitwa nePOTRAZ kuMasvingo anosanganisira rekuChikato, kuona kuti zvikoro zvawana masai-sai nenhare, kudzidzisa vanhu makombiyuta nekupa makombiyuta muzvikoro zviri mudunhu iri.

“Sevanhu vanoziva zvavanoita, tichaona kuti zvose zvamatipa hazvishandiswe zvisirizvo kana kuparadzwa,” vanodaro Cde Chadzamira.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×