Musangochema neCovid – ZFU

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti ino haisi nguva yekuramba varimi nevamwe vemabhizimisi vachichema-chema kuti chirwere cheCovid-19 chakanganisa mabasa avo, asi yekutsvaga nzira dzechizvino-zvino dzekuzvishambadza nadzo kuitira kuti vafambirane nenguva.

Makore ose, mwedzi waNyamavhuvhu unozivikanwa nekuitwa kweshoo huru yeHarare Agricultural Show iyo varimi nemakambani vanoratidzira zvirimwa nezvigadzirwa zvavo. Asi gore rino zvose izvi zvakaenda mudondo nekuuya kwechirwere ichi.

Muhurukuro neKwayedza, VaPaul Zakariya — avo vanova chamangwiza weZFU — vanoti kusaveko kweHarare Agricultural Show gore rino hazvireve kuti varimi nevemabhizimisi ari mune zvekurima vachigarire maoko vorega kushambadza mabasa avo nekuti vakadaro budiriro yavo inodzokera kumashure.

“Tinozviziva kuti Covid-19 yakauya uye iri kukanganisa zvakawanda, asi hazvireve kuti nekuti iriko, isu tochingogara. Tikadaro basa rinoparara.

“Tinofanirwa kufambidzana nenguva toshandisa zvakaita sedandemutande kushambadza zvirimwa zvedu, ipapo ndipo pane bhizimusi rose,” vanodaro.

VaZakariya vanoti sangano ravo rakaita kuti pave nemisika yepadandemutande (virtual markets) apo varimi nevemabhizimusi vanoshambadza mabasa avo.

“Svondo roga-roga kune mashoo ari kuitwa kumisha yakasiyana uko varimi vari kuratidzira zvirimwa zvavo asi anouya hawo vanhu vashoma izvo zvasiyana neHarare Agricultural Show.

“Mashoo aya tiri kuaronga kuitira kuti varimi vakwanise kuratidzira zvirimwa zvavo nekuzvitengesa. Isu takakwanisa kuita kuti ma’virtual markets’ avepo zvakare ayo tiri kushandisa kusanganisa varimi nevanenge vachida kutenga zvirimwa.

“Tinogara tichifonerwa nevanhu vakawanda vachida kutenga zvirimwa uye vamwe vachitengesa zvekurimisa. Saka isu sesangano, tave kuvasanganisa kuti vose vaite mari.

“Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti hazvidi kungogara, asi kutongwarira nekuti ukangogara uchiti kune Covid-19 bhizimisi rinoparara,” vanodaro VaZakariya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×