‘Ramangwana rirongere’
ALFONSO “Mosquito” Zvenyika, uyo akambonetsa mutsiva, okurudzira vechidiki kuti vashandise mari yavanowana mumutambo uyu nemazvo kuitira mune remangwana vasazochema kana vave kukwangwaya.
Gadziriro dzekukohwa gorosi
MINDA mizhinji yakarimwa gorosi iri kuyevedza zvikuru. Varimi vanokurudzirwa kuti varambe vachicherechedza kuti hapana here zvirwere nezvipembenene zvingangodai zviri kuvhiringa gorosi ravo.
‘Covid yaunza hutsanana’
MAMBO Goronga vekuMudzi, kudunhu reMashonaland East, vanoti kunyangwe zvazvo chirwere cheCovid-19 chashungurudza vanhu munyika muno nepasi rose, nekune rimwe divi chapa mukana wekuvandudzwa kwemabasa ehutsanana anosanganisira kucherwa kwezvibhorani nechinangwa chekuti vanhu vawane mvura yekushandisa yakachena.
Mupurisa akanwa muchetura
MUPURISA weZimbabwe Republic Police (ZRP) uyo ange achigara kuMabvuku, muguta reHarare, anonzi akazviuraya nekunwa muchetura.
Siyanai nemaboozer: Stix
SHASHA yakambonetsa munhabvu, Stanford “Stix” Mtizwa, anoti vatambi vezvikwata zviri muPremier Soccer League vanofanirwa kusiyana nekatsika kekutamba mitambo yekubheja mari yemaboozer panguva ino apo mitambo yose yakambomiswa senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo zvigona kukanganisa remangwana ravo.
MAONERO EDU – Education Act: Ndiko kugona
HURUMENDE svondo rapera yakadzika mutemo mutsva weEducation Amendment Act, uyo unorambidza kudzingwa chikoro kwevanasikana vanenge vamitiswa vachiri kudzidza.
Mwedzi 9 chitunha chiri musango
VAGARI vemubhuku raSimarira riri kwaZvimba, svondo rapera vakava nekushamiswa kukuru zvichitevera kuwanikwa kwemarangwanda emudzimai uyo anga asvitsa mwedzi mipfumbamwe asingazivikanwe kwaari.
Tezvara kubhinya muroora achigeza
MURUME ane makore 52 okuberekwa wekwaMambo Makoni, kwaRusape, anonzi akabata muroora wake chibharo apo aigeza panguva iyo mwanakomana wake akange asungwawo nemapurisa achipomerwawo mhosva yekubhinya kamwana.
80pc yevarwere vapona Covid-19
HUWANDU hwevanhu vari kupona kuchirwere cheCovid-19 muZimbabwe huri kuramba huchikwira uye kusvika nemusi weChipiri chikamu chinodarika 80 percent chevarwere vedenda iri vakange vatonaya.
Votapirirwa nekubika chingwa nemabhanzi
MADZIMAI makumi maviri vekunharaunda yeMarirangwe, kuBeatrice, vanoti vari kubatsirikana zvikuru nechirongwa chekubika chingwa nemabhanzi vachitengesa panguva ino apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.








