Muriwo wetsunga une dovi

MURIWO wetsunga une dovi wakakosha zvikuru kuutano hwevanhu sezvo uine maVitamin A neC uye iron izvo zvinobatsira mukusimbisa mabhonzo nekuwedzera ropa mumuviri. Svondo rino Talent Maurede wekuGoromonzi anotsanangura mamwe mabikirwo…

Unokohwa zvawakadyara

Bembera Padare naWedzerai Nhemachena PANE chokwadi chisina kugombedzera chinozivikanwa nemunhu wose, chinoti kana murimi akadyara nzungu anokohwa nzungu kwete nyemba. Ndizvo zvimwe chetezvo nemurimi wemombe, huku kana chii zvacho. Zvimwe…

Maticha opinza vana panjodzi

ZVISINEI nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muZimbabwe, mamwe maticha ari kutora mukana wekuvharwa kwezvikoro kuitisa zvidzidzo kudzimba zvema”extra lessons” zvisiri pamutemo.

Vanoremara dzinza rose . . . Covid-19 yowedzera nhamo

MHURI ine vanhu vakaremara mitezo igere mubhuku raChigwada, kwaMambo Negomo, kuChiweshe inoti yaomerwa zvikuru neupenyu sezvo vasisakwanise kuwana rubatsiro rwavaisiwana kare rwunosanganisira kunorapwa kuchipatara zvichitevera chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba nechinangwa chekurwisa chirwere cheCovid-19.

TSIKA NE‘COVID-19’

NYANZVI dzezvechivanhu, vatungamiriri vemachechi, pamwechete nemachiremba akadzidzira basa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane nedzimwe tsika dzinopesana nezvinodiwa mukurwisa chirwere cheCovid-19.

VARUME 100 VOROHWA NEMADZIMAI . . . Masamba asiyana

SANGANO rinomirira vanhurume rePadare/Enkundleni Men’s Forum rinoti nyaya dzekushungurudzwa kwevarume nemadzimai mudzimba dziri kuwanda panguva ino apo vanhu vari kugara kudzimba senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

124 000 VATARISWA COVID-19 . . . 2 800 vanayo . . . 40 vakatofa

VANHU 124 194 vavhenekwa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe kusvika pari zvino.

N’anga, maporofita vanoda dzidziso

SANGANO rinomirira machiremba vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practioners’ Association, rinoti zvakakosha kuti varapi ava vawaniswe ruzivo ruzere pamusoro pekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

‘Iyi yava nhamo yemunhu wose’

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose ekudzivirira kupararira kweCovid-19 sekupfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko nekuita hutsanana nguva dzose uye havafanire kumanikidzwa kuita izvi nevabati vezvemutemo sezvo zvichibatsira mukuchengetedza upenyu hwavo.

Chidzambwa otaura nezveCovid-19

SUNDAY ‘Mhofu’ Chidzambwa anoti anosuwa zvikuru kuona nhabvu yemuno ichitambwa uye pari zvino hapana chinotadzisa kuti mutambo uyu uchidzoswe kana zvikwata zvikatora matanho akakodzera ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

×