Shiri: ‘Varimi tarasikirwa zvikuru’

MAPOKA ari munyaya dzezvekurima ari kuchema zvikuru zvichitevera kushaya kwegurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva, Cde Perrance Shiri nezuro.

Ndamirira: Manyuchi

SHASHA yetsiva, Charles manyuchi, anoti ari kugadzirira kusangana naMuhamad Sebyala wekuUganda munaNyamavhuvhu apo vacharwira bhande reWorld Boxing Federation uye reWorld Africa Boxing Association Supreme Middleweight.

MAONERO EDU: Dzimwe tsika siyanai nadzo

COVID-19 iri kuramba ichipararira munyika muno uye kusvika pari zvino vanhu 40 vafa nekuda kwechirwere ichi.

NeSeed Co, murimi anopfuma

TINOKUKWAZISAI varimi mose muri kumativi mana enyika. Tinouya kwamuri isu veSeed Co semaitiro edu svondo nesvondo tichidzidzisana pamarimiro kuti goho redu rirambe riri repamusoro.

Todzokera kure kwatakabva

KANA vana vachitamba kumahumbwe vachigadzirira upenyu huchazouya pamberi apo vakura, vanorwirana motokari dzinopfuura mumugwagwa, mumwe achiti iyi ndeyangu, iyo ndeyangu asi zvisingazivikanwi nevaridzi vemotokari idzi.

Zvekuita kana washungurudzwa pabasa

KUSHUNGURUDZANA nenzira ine chekuita nebonde kukanganisa kodzero dzemunhu dziri mubumbiro remutemo wenyika dzekuti ashande akasununguka, kuve ane chiremerera uye achinzwa kuchengetedzeka.

Turkey yobatsira nechikafu

VAGARI vekuGadzema, kuChegutu, svondo rapera vakabatsirwa nezvekudya neveTurkish International Cooperation and Coordination Agency (TICCA) kuburikidza nemahofisi anomirira nyika yeTurkey muZimbabwe.

ZUPCO yosimbaradza matanho eCovid-19

KAMBANI yeZUPCO inoti iri kutevedzera matanho akananga kumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kuti vanenge vachida kukwira mabhazi vasaita chitsokotsoko, vatorwe tembiricha, kuzorwa sanitizer, vopfeka mamasiki uye mabhazi acho achifiritwa nemushonga.

Shiri: ‘Varimi tarasikirwa’

Kingstone Mapupu MAPOKA ari munyaya dzezvekurima ari kuchema zvikuru zvichitevera kushaya kwegurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva, Cde Perrance Shiri nezuro. Dr Andrew Matibiri, avo vanova chamangwiza…

Vanhu 124 000 vatariswa Covid-19

Tandayi Motsi VANHU 124 194 vavhenekwa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe kusvika pari zvino. Pavanhu ivava, 2 817 vavo vawanikwa vaine Covid-19, apo 604 vavo vakatonaya asi vamwe 40 vakafa. Magwaro anoburitswa…

×