Muriwo wetsunga une dovi

MURIWO wetsunga une dovi wakakosha zvikuru kuutano hwevanhu sezvo uine maVitamin A neC uye iron izvo zvinobatsira mukusimbisa mabhonzo nekuwedzera ropa mumuviri.

Svondo rino Talent Maurede wekuGoromonzi anotsanangura mamwe mabikirwo emuriwo uyu zvemandorokwati.

Zvinodiwa:
Chikari, chipunu, munyu, muriwo wetsunga, matomatisi, mafuta nedovi

Mabikiro:
Geza hanyanisi nematomatisi wocheka muzvidimbu zvidiki.

Geza muriwo wouchekerera.

Gadza chikari pamoto woisa muriwo.

Kanda munyu wakaringana netumafuta tushoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi wozokanda hanyanisi nematomatisi zvawacheka.

Isa dovi zvipunu zviviri woramba uchikurunga kusvika zvave kukwata segwata-gwata.

Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage uye uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

 Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×