Chidzambwa otaura nezveCovid-19

Abel Ndooka

SUNDAY ‘Mhofu’ Chidzambwa anoti anosuwa zvikuru kuona nhabvu yemuno ichitambwa uye pari zvino hapana chinotadzisa kuti mutambo uyu uchidzoswe kana zvikwata zvikatora matanho akakodzera ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mhofu anoti kudzosa nhabvu yemuno isina vatsigiri kunogona kunetsa sezvo zvikwata zvizhinji zvichirarama nemari inobhadharwa nevatsigiri pagedhi vachipinda munhandare.

“Maonero andinoita hapana chinotadzisa kuti nhabvu itambwe ine vatsigiri. Chinongodiwa kuti vanhu vange vakachengetedzeka chete uye vachitevedzera mutemo unodiwa kana vapinda munhandare.

“Kana vatsigiri vakupinda munhandare, vanofanirwa kuongororwa kuti hutano hwavo hwakamira sei, vozorwa sanitizer uye kana vave munhandare vogara vasina kubatana vari kure nekure. Kana vanhu vachida hupenyu hwavo votongotevedzera mutemo nekuti vakautyora zvinogona kukonzeresa kuti vatapurirane hutachiona hwecoronavirus,” anodaro Chidzambwa.

Anoti asuwa zvikuru kuona mutambo wenhabvu.

“Ndasuwa zvikuru nhabvu yemuno, tange takujaira kuona yekuEurope paTV iyo inenge isina vatsigiri wena.

Isu tamirira kudzoka kweyedu,” anodaro.

Anoenderera mberi achikurudzira vatambi vezvikwata zvakasiyana kuti vatevedzere zvirongwa zvekusimbisa miviri zvavari kupihwa kuzvikwata zvavo izvo vari kushandisa panguva ino.

“Vatambi ndinoziva vakapihwa zvirongwa zvekutevedzera vari kudzimba dzavo kuti vagare vakagadzirira kana nhabvu ikazodzoswa.

“Ngavarambe vachitevedzera nekuti ini ndinoona zvakakosha uye zvichizovabatsira mune ramangwana kana nhabvu yadzoswa.

“Anongoterera muviri wake hameno zvake, mukana wekutamba haambouwane,” anodaro Chidzambwa. Mhofu akapedzisira kurairidza nhabvu mugore ra2019 apo akatungamira chikwata chenyika kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations akaitirwa kuEgypt uko maWarriors asina kutamba zvakanaka.

Achibva kumakwikwi aya, akasvika ndokusiya basa rekurairidza chikwata ichi.

Muhurukuro yaakaita neKwayedza nguva yadarika akati haachadi zvenhabvu yemuno achiti haina kurongeka.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×