Goronga: Humambo hwemapipi, kuroyana

HUMAMBO hwekwaGoronga vemutupo weNzou Chirumba vachiyera mhuka yechipembere hune madzimambo maviri — ari muZimbabwe neari kuMozambique — uye hunonzi hune mukurumbira wekuroyana nemashiripiti.

‘Sisi vari kundinyima . . .’‘Nyoka Yeraki’

HADZVADZIKOMANA nehanzvadzisikana vanogara kuDomboshava vari kumisidzana mudare redzimhosva vachirwira nyoka iyo inonzi yapanduka kubva pamushonga weraki wavakapihwa vari pamwechete neimwe n’anga yekuEpworth mushure mekunge vakanganisa kutevedzera mhiko dzacho.

‘Amai munoroya’

KUNE mwanakomana ari kupomerwa mhosva yekurova amai vake achivapumha huroyi achiti ndivo vari kukonzera kuti mwana wake agarwe nemamhepo nekurasika njere.

‘Murume ndaimuda, asi ndakamudzika demo’

“NDAKADZIKA murume wangu demo katatu. Pose pandaimutema, ndainge ndichishevedzera kuti, ‘Haunganakirwe nemari yako ini ndisipo’.

Akabhinya vana vake 3. . . mumwe ndokubata pamuviri

MURUME wekwaMambo Ruzane, kuHwedza, akasungwa nemapurisa eko nemhosva yaari kupomerwa yekubata vanasikana vake vatatu chibharo kubva gore ra2018 kusvika 2019 zvikatoita kuti mumwe wavo abate pamuviri.

Kudzidza handi gwaro rekupaza nyika

VAZHINJI munyika yeZimbabwe vanofunga kuti kana munhu achinge adzidza zvemhando yepamusoro, achibva awana basa repamusoro zvakare, atowana gwaro rinomubvumidza kupaza musha, kambani kana nyika ino.

Covid-19: Magungano amiswa

HURUMENDE nemusi weChipiri svondo rino yakati chirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 chava njodzi huru (State of National Disaster) ndokumbomisa kuitwa kwemagungano makuru anosanganisira Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), mhemberero dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere nekuungana kwevanhu vanodarika 100 kwemazuva 60 anotevera.

‘Vana vodzidza vakaguta’

HURUMENDE iri kuvandudza chirongwa chekupa vana chikafu muzvikoro kuti chisvike kuvana vekusekondari senzira yekuti varambe vachienda kuchikoro kudzimara vapedza fundo yavo.

Makuwerere paPricabe Farm

VANHU vaiva mavhu nemarara paPricabe Farm, Sherwood block iri kuKwekwe nemusi weChina svondo rapera uko vaipemberera kugona kurima kwakaitwa nemutungamiriri wenyika President ED Mnangagwa.

MAONERO EDU: Yava hondo yedu tose

CHIRWERE checoronavirus kana kuti COVID-19 chiri kuramba chichitekeshera nepasi rose kubvira pachakatanga kuChina kupera kwegore ra2019.

×