CORONAVIRUS YATIPARIRA: YOGI

SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu ikazorairidza mutambo uyu — David “Yogi” Mandigora — inoti chirwere checoronavirus icho chatekeshera pasi rose uye chikakonzera kuti mitambo yenhabvu imbomiswa kunyika dzakasiyana chakanganisa zvikuru vatambi vemuno vaishuvira kuenda kunotamba kunze kwenyika nevarairidzi vaidzidza zvakawanda kubva kuzvikwata zvekuEurope.

Coronavirus: ‘Money changer’ anoti kudii?

VANHU vanoita basa rekuchinja nekutengesa mari zvisiri pamutemo (money changers) muguta reHarare vanoti kunyangwe zvazvo vachiziva kuti vari panyatwa yekutapurirwa chirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 nekuda kwemari yekunze yakasiyana yavanoswera vachingobata, havazi kuzosiya basa iri nekuti ndiro rinovapa raramo.

Itai hutsanana: Moyo

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vari kukurudzira veruzhinji kuti vaite hutsanana pose pavari – pamiviri yavo nemunharaunda dzavanogara – senzira yekurwisa kupararira kwecoronavirus kana kuti Covid-19.

Coronavirus: Malaboratory ovakwa

HURUMENDE inoti iri kushanda nesimba kuti pave nemimwe mizinda mina yekuvheneka (laboratories) vanhu vanenge vachifungidzirwa kuti vane coronavirus kumativi ose eZimbabwe.

Dzidziso yecoronavirus

Coronavirus inogona kudzivirirwa kuburikidza nekuchengetedza hutsanana Coronavirus inokwanisa kuparadzirwa nekukosora, kuhotsira, kukwazisana kana kubata mhuka nokudaro chengetedzai utsanana. Deredza mikana yekutapurirwa Covid-19 nekuregedza kushanya kunzvimbo dzine chirwere ichi. Taurira vekuzvipatara…

Kukohwewa kwechibage chemadiridziro kwotanga

VARIMI vakawanda vemudunhu reMashonaland Central vakatotanga kukohwa chibage chakarimwa nemadiridziro pakutanga kwemwaka wezhizha wa2019/2020.

‘Zim inoda machiremba epfungwa’

BAZI rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rinoti Zimbabwe iri kusaririra zvakanyanya panyaya yekusimudzira utano hwevarwere vepfungwa pamwe chete nekurapwa kwavo.

Oita zvinorova nekurima matomatisi . . . kupihwa ivhu kwobhadhara

MURIMI akagariswa patsva neHurumende kumindamirefu yeWinimbi kwaMambo Svosve, kuMacheke oita mukurumbira wekurima zvirimwa zvinosanganisira matomatisi izvo zviri kuita kuti akwanise kuraramisa mhuri yake.

Sabhuku opikira kutengesa ivhu

SABHUKU Masona wekwaSeke svondo rapera akabatwa nemhosva mudare yekuita huwori hwekutengesera vanhu vaviri sitendi imwe chete yekuvakira pekugara zvikaita kuti atongerwe kunofondoka kwemaawa 105 pasina mubhadharo pachimwe chikoro cheko.

Vaimbi vechidzimai vobatsira vanotambura

SANGANO revaimbi vechitendero vechidzimai reZimbabwe Female Gospel Artists Association (ZFGAA) riri kuita basa guru rekubatsira vanhu vanotambudzika munzvimbo dzakasiyana pamwe nekusimudzira mhanzi yenhengo dzaro.

×