Humbimbindoga padare hune ngozi

NHAMO zhinji pangava pamusha, mumakambani kana munyika dzinokonzerwa nekushaikwa kwepfungwa dzakasiyana-siyana pamatare. Dare chairo nderinorodzana pfungwa dzevadare, paine vavariro yekubuda nepfungwa dzakanaka uye dzinopa pundutso mumagariro evanhu.

Maporofita nen’anga vanotiwo . . .

MAPOROFITA nen’anga vanoti vari kutevedza zvizere kurudziro yeHurumende nemasangano anoona nezveutano yekuti vasaunganidze vanhu vakawanda pamasowe nemunzvimbo dzavanoshandira vari senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Covid-19: ‘Tevedzerai zvinotaurwa’

VERUZHINJI vanoti nyaya yekuita hutsanana inofanirwa kukosheswa zvikuru nemunhu wose senzira yekurwisa kupararira kweCoronavirus kana kuti Covid-19 iyo kusvika pari zvino yauraya munhu mumwe chete muZimbabwe.

‘Dzidzisai vana zvepabonde’

Zimbabwe Gender Commission (ZGC) inoti zvakakosha kuti vana vadzidziswe nyaya dzezvepabonde vachiri kuyaruka kuitira kuti vagoziva zvakanaka nezvakashata muupenyu hwavo.

Misambo yemutauro

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nemhando dzakasiyana-siyana dzemisambo yemutauro. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, nhamba dzenhare dzako neadhiresi yekwaunogara.

‘Hatizive kuti Covid-19 chii’

VAKAWANDA vevanotengesera kuMbare Musika, muHarare, vanoti havana chavari kunyatsoziva maererano nezvechirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19 uye vanoda kupakurirwa ruzivo rwekuti chinoparadzirwa nekudzivirirwa sei.

Coronavirus: Tose tine basa

NYAYA yechirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 icho chavamowo muZimbabwe uye kusvika pari zvino chauraya munhu mumwechete — haisi yekutamba nayo uye ndiyo iri pamuromo pevanhu vakawanda nekuda kwekutekeshera kwaita denda iri pasi rose.

Nhare dzevanoita nezveCovid-19

VERUZHINJI vane fungidziro yekuti vabatira utachiona hwecoronavirus kana kuve panjodzi yekubatira chirwere ichi vanogona kuridza nhare dzepachena dzinotevera:

Kurwerwa rute kwerufu rwecorona

NDIRI kunzwa nyaya dzakawanda pamusoro peCorona. Ndiri kuona zvinhu zvakawanda zviri kuitika nezviri kuitwa nevanhu nekuda kweCorona. Ndakanzwa panhau President Mnangagwa vachirambidza huwandu hwevari kuungana. Kana tasvika patasvika senyika, dai tambomira kuita nharo tichiti, “manje ini handirege kuita zvandinoda.”

‘Bvisai mari yekunyora bvunzo’

SANGANO rinorwira kodzero yedzidzo yemwanasikana, reTag A Life, rinoti Hurumende inofanirwa kuderedza kana kubvisa zvachose mari inobhadharwa nevadzidzi pakunyora bvunzo dzeGiredhi 7, dzeO- neA-Level.

×