‘Simudzirai zvipo zvevana’
Mukomana wechidiki ari kusimukira mumusambo wechitendero neAfro-Jazz anoti chipo chake chakatanga achangozvarwa apo aiita ruzha rwakanyanyisa uye zvakakosha kuti vabereki vasimudzire matarenda evana vavo
Potsipiri omhan’arira Phiri
Murume wekuEpworth anoti akagurwa kunorira neaimbove mudzimai wake zvichitevera kutiza kwaakamuita apo akarwara uye iye zvino ari kuuya kumba nezvikomba zvake vachimurwisa.
Imbodya sadza nerupiza
Nyanzvi dzezveutano dzi- nokurudzira veruzhinji kudya chikafu chechivanhu chakaita serupiza icho chinonzi chakakosha zvikuru pakuvaka muviri.
Grade 7: Mamiriro achaita bvunzo ra2021
Svondo rapera takabata zvidzidzo zvitvsa zviri kutanga kunyorwa gore rinotevera uye takavimbisa kuti tichapinda muchikamu chino tichiwaridza pachena mamiriro akaita bvunzo racho. Hurongwa uhu hwakatoongorwa nevebazi redzidzo uye vanoona nezvekunyorwa kwebvunzo, veZimsec vakatoburitsa hwaro uhu kuitira kuti varairidzi nevadzidzi vagare vaziva zvavanotarisirwa kuzosangana nazvo pabvunzo.
A-level: Kuda muhondo…Hondo yairwadza
Matmbudziko kana kuti zvimhingamupinyi zvinosangana nevanhu munguva yehondo.
O-Level: Kuisa mazita mumipanda
Svondo rapfuura takaita mibvunzo yekuisa mazita akasiyana mumipanda yawo. Chidzidzo ichi chaive maererano nemaumbirwo emutauro.
Tipei maticha eShangaan: Gwanetsa
LIMPOPO VALLEY — iyo iri kucham- hembe kweChikombedzi, kuMas- vingo — yaita mbiri nenyaya yevana vanofoira bvunzo dzeGrade 7 neO-Level.
Mabhuku odirwa muzvikoro…Angel of Hope Foundation yopa eUS$50 000
Vemabhizimi vari kuramba vachitsigira sangano reAngel of Hope Foundation mukushandura upenyu hweveruzhinji uye svondo rapera vakapa sangano iri mabhuku ekuverenga anokosha US$50 000 ayo achapihwa vana vechikoro kubva padanho reEarly Childhood Development (ECD) kusvika kudzidzo yepamusoro.
Akayeredzwa achibva kudoro
Murume wemakore 73 okuberekwa uyo aigara kuMushumbi Pools, kuGuruve, anonzi akayeredzwa nerwizi rweko achiedza kuy- ambuka apo aibva kudoro.
Ehe, ambuya ndinovatuka: Mukuwasha
Mukuwasha anonzi ari kutukirira ambuya — amai vemudzimai wake – pamwe chete natezvara vake zvichitevera kunetsana kwaari kuita nemukadzi wake.








