A-level: Kuda muhondo…Hondo yairwadza

Munyaradzi Gunduza

Matmbudziko kana kuti zvimhingamupinyi zvinosangana nevanhu munguva yehondo.

Kupisirwa dzimba nematura echikafu — masoja aiti akasvika pamusha achishaya vanhu aibva asiya apisa dzimba dzese kusanganisira nematura aichengeterwa goho sezvavanoita kumba kwavanaKuda kuChipinge.

Kutengeswa — tinonzwa Josiah achiudza Kuda kuti Samason akanga achekwa nemagandanga nekuda kwehutengesi hwaakaita paanotengesa magandanga kumabhunu. Magandanga anobva atiza asi anozodzoka achimuuraya mushure mekunge masoja aenda.

Kufa kwevanhu muhondo — pahondo inoitika pakamba 2 Kuda nevamwe vake gumi vasati vaenda kuMaputo kuti vapfuurire mberi vachienda kuChina inosiya yauraya vanhu gumi nemumwe chete nemabhunu asingaverengeki. Kuda paanoparadzana nechikwata chavana- Chikwekwete anosvika achiona kuti kwavaimhanyira kwainge kwarwiwa hondo chaizvo iyo yainge yauraya vanhu vakawanda. Pamwe pacho vaiona misoro yevanhu yakadambuka uye makumbo ari kwawo, pasisina mitumbi. Zvitunha zvavakaona pahondo iyi zvaive gumi nezvishanu. Kandege mumwe wevanhu vanoparara pahondo iyi.

Kuteyiwa nezvimbambaira – Komuredhi Pedzi pavanoenda nepovho kuMozambique vachibva muZimbabwe vanoti povho ifambe ichitsika patsikwa nemumwe aive mberi kuitira kuti vasauraiwe nezvimbambaira. Zvino vamwe vasere vanotadza kuteerera zvinoita kuti vauraiwe nezvimbambaira zvainge zvakateyiwa munzira iyoyo nemabhunu. Makomuredhi paanenge achibva kuBurma Valley kunopamba chikafu anorasikirwa nevamwe vavo vaviri mushure mekunge vavhunduka kuputika kwezvimbambaira ndokunotsika kwaive kusina kufambwa nemombe vachibva vaputikirwawo nazvo ndokufa.

Nzara — povho yainopotera kuMozambique inobayiwa nenzara chaizvo iri munzira. Bhodho anoudza makomuredhi aidzidzisa vanhu chiuto pakamba 2 kuti iye nevamwe vake vakanga vanzwa nenzara – ndizvo zvinoita kuti azotumidzwa zita rekuti Bhodho.

Kuneta – vanhu vakanga vachienda kuMozambique vanokuvara nekuneta sezvo vainge vachifamba netsoka.

Tinonzwa Bhodho achikumbira makomuredhi aizovadzidzisa zvehondo zuva ravasvika kukamba

2 achiti vakanga vakaneta vachir- wadziwa nemakumbo zvekuti havaizokwanisa kumhanya zuva raitevera sekutaurwa kwazvaiitwa nemakomuredhiaya.

Kuda paanomutswa naKomuredhi Kandege kuti vanomhanya anoti akanga achinzwa kuneta chaizvo muviri wese.

Vanozomhanya vachitenderera kashanu kaidiwa asi vanenge varukutika nekuneta.

Zvinoremera Kuda nevamwe vadzidzi vehondo kuti vadye chikafu vakaneta. P.53.

Magadhi aichengeta paBurma Valley anenge akaneta chaizvo nekuswera achitenderera zvinoita kuti azobatwa akarara navanaKuda.

Kuputsiswa hukama – tinonzwa kuti vanhu vaiti vakapinda mukamba zvese zvekuti vainge vabva mudunhu rimwe chete, vaive mukomana nemusikana, amai nemwana zvainge zvapera uye kwaisatenderwa kuti vaite zvinhu pahukama kana pakuzivana kwavo. Josiah, Kuda, amai nababa vavo tinozoona kuti vanosvika pakuparadzana vari muhondo kudaro zvekutadza kuzoonana zvakare. Izvi zvimwe zvezvinhu zvairatidza kuti hondo yairwadza.

Tinopedzisa matambudziko anosangana nevanhu munguva yehondo svondo rinotevera.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×