Musiyano we’peace order’ ne’protection order’
NYAYA dzemhirizhonga yemudzimba pamwe nekusagarisana zvakanaka munharaunda dzinoratidza kuti dziri kuwanda zvikuru zvichitevera mhosva dzerudzi urwu dzinosvika 1 501 idzo dzakatongwa mudare reHarare Civil Court kubva mumwedzi waNdira kusvika Zvita gore rapera.
Ogara nechimukuyu chemunhu mubhegi
Munyaya inotyisa nekushamisa, mumwe mukadzi wekuno ari kugara nechimukuyu chemunwe wake kwemwedzi mishanu yadarika mushure mekunge wadamburwa apo akarumwa nemuvakidzani wake pavakanetsana nenyaya yebhagidhi rechibage.
Gudo pweshe pamusoro pewodhiropu…ndokusiya rati tsvina rayo waaaaa
Mhuri inogara mumusha weEastamack, kuNorton, inoti nguva pfupi yadarika yakaitirwa mashura nehoromba yegudo, iro rakapinda mumba mavo, ndokusvikorasa-rasa midziyo — mimwe richipwanya — pashure ndokuzoitira tsvina mune imwe imba richibva razokanyaira richienda.
Chikwambo chine wigi pfacha pakati peguta…Chakabvutidzanwa nemaporofita
Akave batai-batai panosangana migwagwa waFidel Castro (aimbonzi Charter) naKaguvi muguta reHarare nemusi weMuvhuro uno apo pakaonekwa chinhu chainge kamba yakapfekedzwa dehwe newigi uye yakamonerwa chuma chitsvuku nechitema.
Mukadzi kupa murume mari yekuti amuroore…‘Vakomana havasi kuroora’…Kutorasika ikoko – Mai Titi
“Chinzwaka sha, ndatenga ring, iwe neni tave ‘engaged’ uye ndine $600 yandoda kukupa (kuti) unobvisa kumba kwedu yekundiroora. Saka iwewe uchaenda kunobvisa mari iyi mangwana kumba kwedu .
‘Musatyire vana vari kuChina’
Hakuna chizvarwa chemuZimba- bwe chiri kudzidza kana kushanda kuChina chati chabatwa nechirw- ere checoronavirus, hofisi inomirira China muno inozivisa.
‘Tarisiro yegoho rakanaka yavepo’
Varimi vazhinji vava netarisiro yekuti vanokwanisa kuwana goho rakanaka zvichitevera kunaya kuri kuita mvura kumativi mana enyika uye vanoti kudai yaramba ichinaya kusvika kupera kwemwedzi waKurume kuitira kuti dzimwe mbeu idzo vakapedzisira kudyara dzikwanise kupunduka.
Zifa, PSL vokandirana nyoka mhenyu
Sangano rinoona nez- venhabvu muno reZimba- bwe Football Association rokandirana nyoka mhenyu nerePremier Soccer League pamusoro penyaya yekuti mitambo yeP S L ichatanga riinhi zvichitevera mashoko akabva kuConfederation of African Football (CAF) ekuti nhandare dzemuno hadzina kukodzera kutambirwa nhabvu nezvik- wata zvekunze.
Rwisai zvirwere zvezvirimwa: ZFU
Sangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira kuti vatore matanho ekurwisa zvirwere zvakasiyana zvinobata zvirimwa munguva ino yekunaya kwemvura.
Mhanzi yeZim ngaitekeshere
Muimbi weSungura, Lucky Kumene, anoti yasvika nguva yekuti mhanzi inobikwa muno ichitanga kunetsa kunze kwenyika uye vaimbi vachishev- edzwa kuzoridza kumashoo makuru kunyika dzinosanganisira dziri mudunhu reSadc, Europe uye nekuAmerica.











