Yeukai vanotambura Kisimusi ino

BEMBERA PADARE naWedzerai Nhemachena KUNE vana vazhinji vatokurira mumigwagwa yemadhorobha nemaguta emuno muZimbabwe, zvikuru muHarare. Vana ava vanobva kwakasiyana, vamwe vakatizwa nevabereki vatadza kuvariritira, vamwe inherera. Asi chikuru chatinoziva ndechekuti…

‘Ndichakudzika demo bedzi’

Nyasha Bvudzijena MUDZIMAI wechikuru anogara muHarare akasiya vanhu vaive mudare vasina neremuromo apo akati muvakidzani wake akaramba achipfuura nenzira iri pedyo nepamba pake anomudzika demo uye haana hanya nekuenda kujeri.…

Remangwana rirongere: Chimukoko

Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa mumujaho wemarathon, Abel Chimukoko, anoti vari mune zvemitambo yakasiyana vanofanirwa kugadzirira remangwana ravo kwete kunakidzwa nekungodya mari sezvo vanogona kuzozvidemba kana vakatadza kushandisa mikana yavanenge vawana.…

‘Akanditi ndazvara bonga’

Courtney Munodawafa MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti muvakidzani wake anomunyomba achiti mwana wake waakazvara ibonga uye ane umboo hwacho. Rebirth Matienga akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Sharon…

Pamahwani sesipo yakanganwikwa mumvura

IMBWA HAIHUKURIRE SADZA naIgnatius Mabasa QUEEN Mpofu, pfambi yekwaMutare haina kumbofunga kuti gore rino ichabuda mumapepanhau — iye nenyoka yake. Iko zvino tave kuziva kuti kwaMutare kune pfambi inonzi Queen…

2020 auya nezvitsva

Munyaradzi Gunduza MAKORE apfuura, kusanganisira gore rino ra2019, takanga takanyanya kunangana nezvidzo zveuvaranomwe padanho rino reO-Level pamwe chete nereA-Level. Zvinodaro nekuti isu veKwayedza shuviro yedu ndeyekuti vadzidzi muwane zvekuverenga zuva…

Mipatsa iri pamitupo

TichaDanga MUSHURE mekunge ndatopedza kugadzira chirongwa chemunaZvita, ndakabva ndasangana nemibvunzo iri pamusoro pemitupo nemadzinza kutosvika pandakati zvakakosha kunoita tsvagurudzo pamusoro penyaya iyi. Ndiko kusaka maona yadzoka zvakare mudariro gore risati…

Kwava nemakoronyera eupfu: Mutashu

Muchaneta Chimuka naMalven Mugadzikwa MUTUNGAMIRI wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti kudzikiswa kwakaitwa mutengo weupfu zvichitevera kupindira kwakaita Hurumende idanho rakanaka zvikuru kunyangwe kuine vamwe…

HOKOYO! . . .

Tambo dzemagetsi dzakadonhera pamba iri munaKubvumbi Drive, kuZengeza 3, kuChitungwiza, husiku hwemusi weMuvhuro svondo rino apo mvura yakanaya yakawanda. Vanhu vakapona nepaburi retsono sezvo dzisina kuzowira pamusoro pemba apo mapango…

‘NDINOSHANDISA MUTI WEMUBOBOBO’

Kingstone Mapupu VANHU vaiva pataundishipi yekwaDzumbunu, kwaMambo Nyamweda, kuMhondoro, vakava nekushamiswa kukuru nemusi weSvondo wadarika apo mumwe murume akangochere oreurura kuti anoshandisa mushonga wemubobobo uyo unomuita kuti ashinhe nevanhukadzi ivo…

×