‘Akanditi ndazvara bonga’

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti muvakidzani wake anomunyomba achiti mwana wake waakazvara ibonga uye ane umboo hwacho.

Rebirth Matienga akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Sharon Sorai.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Matienga gwaro rinomuchengetedza.

“Mukadzi uyu anogara kuseri kune rimwe raini pakanangana nepangu, asi andionesa nhamo. Ndiri mukadzi wechipiri kwandakaroorwa.

“Pandakabva kuchipatara ndasununguka mwana wangu, vakauya navamwene vangu vachindipopotera vachiudza murume wangu kuti ari kuchengeta mabonga. Vakati mucheche uyu futi ibonga uye vatorineumboo hwacho,” anodaro Matienga.

Anoti Sorai anouya kuzogezera midziyo yake pamba pake uye anogara achimuudza mashoko anomurwadza.

“Anotuma mwana wake kuti auye kuzotsvaira dombo repamba pangu kuti agowachira kapeti yake ipapo. Vakandiudza kuti ndiri benzi uye vacharamba vachinditonga nekuti amai vavo ndi‘chairlady’ kumaraini. Ndakavamhan’arira kumapurisa vakabhadhariswa faindi,” anodaro.

Sorai anoti haaende kumba kwaMatienga asi kuti dombo riri kutaurwa nezvaro riri panze.

“Handiende kumba kwaamai ava. Dombo ravari kutaura riri muroad, handichatorishandise. Handivatuke ini, vakanodimhan’arira ndikabhadhariswa mari yekubvuma mhosva kumapurisa.

“Vanouya pamugodhi padivi peimba yangu vachinditukirira. Faindi ndakabhadhara nekuti ndainge ndapfuura nemuyadhi mavo. Ngavasada kuzoshandisa (protection) order senzira yekunditukisa,” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *