Zvidzidzo zveutano hwesikarudzi
SANGANO reForum for African Women Educationalists Zimbabwe Chapter (FAWEZI) — rakabatana nebazi revechidiki, mitambo nekutandara — nemusi weMuvhuro uno vakaita musangano wemazuva maviri nenhengo dzeJunior Council yekuChitungwiza neChaminuka iri kuShamva maringe nedzidziso dzeutano hwesikarudzi pamwe nenzira dzekurwisa nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana.
ZVIRI MUROPA: JANI
SHASHA yenetball Pauline Jani – uyo anove mutambi wechikwata chenyika chemaGems – anoti mutambo uyu ndiwo wakamurera zvekumuendesa kuchikoro uye akwanisa kuzvichengeta kuburikidza nawo.
Harare Polytechnic yasvitsa makore 100
Harare Polytechnic ndeimwe yemakoreji ava nemakore mazhinji achifundisa zvidzidzo zvepamusoro zvakasiyana ari pasi pebazi redzidzo yepamusoo, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemichina. Kubvira pakavambwa koreji iyi muna 1919, yakaita zvinhu zvakawanda zvinosimudzira dzidzo neraramo.
Vorwira kukama mombe
CHIREVO chinoti pfuma yenhaka inoparadza ukama chiri kuzadzikiswa nenyaya yevana vemhuri imwe chete avo vakaendesana kumatare edzimhosva vachirwira kukama mombe dzakasiiwa nababa vavo.
Dombodzvuku yoita zvinorova
CHIKORO cheDombodzvuku Primary School chekwaMurehwa chiri mudenga rechinonwe zvichitevera kukunda kwakaita vanasikana vaviri vepo mumakwikwi eProvincial Schools Science, Arts Festival (PASSAF) edunhu reMashonaland East ayo akaitwa nguva yadarika.
Kiriniki itsva kuEpworth
POPULATION Service Zimbabwe (PSZ) yakavhura kiriniki itsva yemishonga yekurera mhuri pamwe chete nekuvheneka chirwere chegomarara kuEpworth, izvo zvinotarisirwa kuderedza nyaya dzekuita pamuviri pasina kurongeka, kubviswa kwemimba nekufa kwemadzimai nevana panguva yekubara.
Zvikoro zvinodawo inishuwarenzi: IPEC
KOMISHENI yeInsurance and Pensions Commission (IPEC) — iyo inonyoresa nekuona nezvekufambiswa kwemabasa nemakambani anoita zveinishuwarenzi nemapenjeni muZimbabwe — iri kukurudzira zvikoro kuti zvinyorese muzvirongwa zvemainishuwarenzi kuitira kuti zvizowana kwekupotera kana zvichinge zvasangana nenjodzi dzakaita sekuparadzwa kwezvivakwa nemafashamu kana nemoto.
Akamhanyisa amai vari musvo
VANHU vaive mudare redzimhosva vakasara vasina neremuromo apo mumwe mukomana akati mukoma wake akambodzingirira amai vavo vari musvo mushure mekunge vanetsana.
Gandanga nepfuti
SVONDO rino tinopedzisa mubvunzo wekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.
Akadzika muzukuru banga pahuro
MURUME anogara mubhuku rekwaZhangira, kwaSeke – wekumiswa mudare nemhosva yekubaya muzukuru wake pahuro nebanga uyo akabva afenda nekuda kwekurasikirwa neropa rakawanda – anoti akamubaya mushure mekunge apinda mumba make zvisina mvumo yake.









