Zvatadai kutarisana nebvunzo

TISU avo tapinda mumwedzi waGunyana apo hana dziri kubika manhanga nekurova kwadziri kuita nenyaya yebvunzo. Kupinda kwechirongwa chino mudariro muzuva ranhasi kunotiratidza kuti tasara namazuva gumi chaiwo ekupinda muchikoro bvunzo dzisati dzanyorwa.

Nhango dzapadare

9. TSANANGURA rayiro dzinobuda munhetembo dzenhango dzepadare. [25]

MAONERO EDU: Zvinongoda kurongeka

ZVIKORO zvichange zvichivhurwa nemusi weChipiri chinotevera uye pari zvino vabereki vazhinji nevana vari mushishi yekugadzirira kuti vana vanotanga temu yechitatu mune zvakanaka.

Ko sei kuita munamato wekupenga?

RIMWE zuva shamwari yangu yakauya kuzondiona mangwanani. Akasvikoita zvekuzvikanda muchigaro. Mugariro waakaita wakandifungisa mugariro unoita sadza riye dete-dete mundiro yakatambarara.

Vopura mari nebhindauko remarara

VANHUKADZI vane chitsama vemuHarare vari kubatsirikana kuburikidza nemabhindauko ekusona, kuruka pamwe nekugadzira mabhegi vachishandisa marara emapurasitiki ayo avanonhonga zvinova zviri kubatsira mukuderedza nyaya dzekusvibiswa kwenharaunda.

Orara naamai‘. . . kuti zvitoro zvangu zvifaye’

MAMBO Chireya vekuGokwe vachangobva kutonga nekuripisa mwanakomana naamai vake vekumubereka mombe tsere mushure mekuvabata nemhosva yekuti vari kushinha vose semhiko yekuti mabhizimisi avo abudirire.

Mazishiri oruma vanhu. . . achidhotera madororo muchikafu

MHURI inogara kwaMambo Neuso, kuSanyati, yaoneswa nhamo nekurumwa nemazishiri asinganzwisisike rudzi rwawo kuti magora kana kuti madendera here.

Akamuka aguswa musoro

MURUME anogara mumusha weZengeza, kuChitungwiza anoti akangofuma agerwa vhudzi remumusoro make nevaanofungidzira kuti varoyi mushure mekunge arara asina zuda.

Vekuita chiname pa‘lodge’ vave nani

BABAMUDIKI naamaiguru mukadzi wemukoma — avo svondo rapera vakanamirana paimwe “lodge” iri mumusha weEastlea, muHarare, apo vainge vambonosasana — vanonzi vave kunzwa zviri nani mushure mekunge vamboita manyoka nekurutsa.

Fetiraiza itsva yemvura

KAMBANI yakazvimirira yeITMOSCI (PVT) LTD yakabura fetiraiza itsva inova yemvura iyo inonzi inorwisana nekusanduka kwemamiriro ekunze kureva kuti kunaya kwemvura yakawanda kana shoma inoshanda zvakanaka zvikuru zvinopa goho guru.

×