Varimi vefodya vochema nemari yezvifambiso
VARIMI vefodya kubva kumativi mana enyika ino vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwemari yavanoti vari kunzi nevemarori vabhadhare pakutakurirwa chirimwa chavo kuenda kunotengesa kumisika inova nyaya yavanoti ichaita kuti vakawanda vavo vatadze kudzokera muminda mumwaka unotevera.
Akadambura munhu musoro
MURUME wechidiki wekuMuzarabani, kuMashonaland Central — uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa — akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekuponda imwe harahwa yemumusha mavo, ndokuidambura musoro uyo akazorasa mushure mekunge ambofamba nawo kwechinhambwe.
VaKennedy Kachuluka
VAVERENGI, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti munhu uyu — uyo ave mushakabvu asi aive nemukurumbira munyaya dzemadhirama nemafirimu uye akaekita mumafirimu anodarika 15 anosanganisira King Solomon’s Mines naFlame — ndiani.…
Shavi tugu parufu… ‘hameno changa chandibata’
MUDZIMAI wepapurazi rakagariswa vanhu patsva reAdmore, kwaChivero, kuMhondoro, anonzi akabatwa neshavi kana kuti dhimoni ari parufu rweaimbova muroora wake, ndokuverevedza kubva kumakuva kwaivigwa mutumbi wemufi achinopinda mumba makachemerwa mufi umo akazowanikwa achimwaya-mwaya mushonga.
Chimuka weKwayedza akahwinha
VATORI venhau veZimpapers — vanosanganisira munyori weKwayedza Muchaneta Chimuka — vakahwapura mibairo yekunyora nhau dzezvekurima, yeZimbabwe Agricultural Media Awards, pamabiko akaitwa nemusi weChishanu chadarika kuHarare Agricultural Show Grounds.
Apa Benenia mupenyu zvake . . .VAKAVIGA MHUKA VACHINZI MUNHU
MUNYAYA yatenderedza vagari vekuNyanga misoro, imwe mhuri yeko — ichishanda nemamwe maporofita — yakaviga mapfupa emhuka iri kufungidzirwa kuti imbudzi vachinzi marangwanda ehama yavo iyo iri kutozviraramira hayo muguta reHarare.
Pastor Asani adzoka mudariro
MUFUNDISI wechechi yeVineyard Fellowship, Patsor Thomas Asani (44), akabura dambarefu rake rechina rinodaidzwa kunzi Yahwe (Usanete) iro rine nziyo sere dzinokurudzira veruzhinji kuti vape tariro yavo kunaMwari zvisinei nematambudziko avanenge vachisangana nawo muhupenyu.
‘HAKUNA MAWARRIORS AKADARO’
CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chakaenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) egore rino ndicho chakatamba zvinonyadzisa kudarika zvimwe zvikwata zvose zvakamboenda kumutambo uyu makore adarika sezvo chakanwisa chibodzwa chimwechete pamitambo yacho mitatu yachakatamba
‘Sungai baba, ndivo vakandibata’
NYAYA yemweya wengozi uri kusvika pane musikana wekwaMurehwa – uyo anoti akabatwa chibharo nababa vake, asi ndokunyepera kuti akabhinywa nemumwewo murume uyo akazonofira kujeri – yakwira mutanda sezvo yakamhan’arwa kumapurisa uye ngozi iyi iri kuti inoda kuripwa nemombe nhanhatu.
Nyau: Zvakavanzika zvose bvu
Vanoziva nezvezvinyau vanoti hazviwanzoda kuzivikanwa kana kufumurwa tsika dzazvo izvo zvinoita kuti zvityiwe.VIGURE kana kuti zvinyau zvinonzi havasi vanhu asi kuti imhuka dzinoita zvekuraurwa mumvura pachishandiswa mishonga dzopfekedzwa chimiro chemunhu.










