Hakuna munhu anofa nenzara
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti hapana munhu ari kuzofa nenzara muZimbabwe zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wadarika izvo zvakonzera kuti nyika iwane chibage chishoma.
Murume mhere bovo . . .‘Mukadzi wangu Ounza zvikomba’
MURUME anoshanda sacaretaker pane imwe lodge iri muHarare akabongomora mhere kuchema mudare achiti mudzimai wake anounza zvikomba mumba mavo umo anogara achiona makondomu akashandiswa.
‘Ndokusaka wakaitiswa mwana nasekuru vako
MUKADZI wemuHarare — wekuendesa murume wake kumatare edzimhosva achiti ari kumushungurudza — akazoshaya pekupinda nenyadzi mushure mekunge afumurwa kuti akapihwa pamuviri nasekuru vake, hanzvadzi yaamai vake, asi iye ndokuzonyepa kuti mwana waakabara aive wemumwewo murume.
Mwana wechikoro akapondwa
MUKOMANA ane makore 22 okuberekwa uyo anga achiita Form 6 paZengeza 2 High, kuChitungwiza, ari kunzi akafa mushure mekurwisana nezvibhakera nemumwewo mukomana wemunzvimbo iyi zvichitevera kunetsana kwavakaita pamusoro penyaya yekuseka kwaanonzi akange aita sahwira wake uyo airwara nezino.
MUPOROFITA AKAZVAMBARADZWA PAMASOWE
PANE kunonzi kurohwa, kuzvambaradzwa, kudashurwa, kukinditswa, kukwapaidzwa kana kuzvamburwa.
Orarisa mukadzi nemwana panze
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati murume wake anotora chikafu chavanofanirwa kudya nemhuri mumba, zvose nemidziyo yavo achinozvitengesa, mari yacho odudunya kudoro.
‘Murume handinzwe kumuda . . .’‘ndakabviswa humhandara nechidhoma’
MUKADZI wekuRuwa ane makore 32 ekuberekwa anoti ari kuoneswa pfumvu nechidhoma kana kuti chikwambo, icho chiri kumuita mudzimai siku nesikati zvekuti ndicho chakatomubvisa humhandara.
Akafira makotopeya
MUNYAYA inosiririsa kwazvo, murume wekuMarondera uyo anga ava nemakore 55 ekuberekwa anonzi akadonha mumuti wemukotopeya umo aitemha muchero uyu ndokufa.
. . . vamwe vodiwa kuRwanda, Namibia neBotswana
NYIKA nhatu dzemuAfrica dzakaisa chikumbiro kuHurumende yemuno chekuti varairidzi vemuZimbabwe vanodzidzisa kunyika idzi.
Varimi vefodya vochema nemari yezvifambiso
VARIMI vefodya kubva kumativi mana enyika ino vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwemari yavanoti vari kunzi nevemarori vabhadhare pakutakurirwa chirimwa chavo kuenda kunotengesa kumisika inova nyaya yavanoti ichaita kuti vakawanda vavo vatadze kudzokera muminda mumwaka unotevera.







