Pastor Asani adzoka mudariro

Muchaneta Chimuka

MUFUNDISI wechechi yeVineyard Fellowship,  Patsor Thomas Asani (44), akabura dambarefu rake rechina rinodaidzwa kunzi Yahwe (Usanete) iro rine nziyo sere dzinokurudzira veruzhinji kuti vape tariro yavo kunaMwari zvisinei nematambudziko avanenge vachisangana nawo muhupenyu.

Dzimwe dzenziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira Ane Rudo, Rinozaruka Denga, Anoda Mweya, Nyarara, Zviripo, Fara naYahwe.

“Chinangwa chenziyo dzangu dzose ndechekushingisana kana kuti kusimbaradzana kuti sevatendi munaShe tirambe takashinga kunyangwe munguva yekuomerwa nekuti hatingafaniri kushaya tariro munaMwari nekuda kwezvinhu zvepanyika zvinopfuura. Murumbo Ane Rudo ndinopa dzidziso kunyika kuti Mwari vedu vari kudenga vane rudo nesu kunyangwe zvikaoma sei vanoramba vainesu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti mukambo Nyarara anenge achipodza mwoyo yevane marwadzo anokonzerwa nezvakasiyana kuti vasavhunduke nekuti Mwari variko.

“Mwari vanoziva kuti kana tisinavo tinenge tiri nherera saka hatifaniri kutya kana kuvhunduka nekuti varipo pakutirwira pamatambudziko ese. MunaRinozaruka Denga inyaya yekurwirwa naShe pane zvose saka hatifaniri kuwanikwa tiri vanhu vanongogara vachichema mazuva ese asi kuti tinofanira kugara tichifara nekuti denga rinotiona. Kuchizoti munaAnoda Moyo ndinotaura kuti Mwari anotarisa kuchena kwemwoyo yedu nemabasa atinobata akanaka,” anodaro Pastor Asani.

Mugore ra2002, mufundisi uyu akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Handei Tichipembera uye muna2008 ndokubura Fara kuchizoti muna2014 akabura rimwe zvakare rinonzi Razaruka Denga.

Anoti kuimba kwese kwaanoita ndechimwe chechikamu chebasa rake rekushumira shoko raMwari kune veruzhinji kuti vawanikwe vachitendeuka.

Patsor Asani anoti anopa kutenda kuna Blessing Maunga weBish Studio nachikwata chaakatanga kuimba nacho cheJusan Group nekumutsigira.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *