Vasikana vobatsirwa muzvikoro

SANGANO reShamwari Yemwanasikana rinoti rakatanga chirongwa chekusimudzira utano hwevanasikana muzvikoro kuburikidza nekuvasonera zvekushandisa panguva yavo yekutevera (re-usable sanitary pads) vachivapa pachena.

Huku yekubhadhara wadya inorwadza

Unogona kumirira kudzoserwa chikwereti nekuti akakukwereta akakuudza musi waaizokupa mari yako, asi musi wacho pawakasvika hauna kuzomuona zvakare, uye kana ukafona haachadaira foni yake. Unogona kumirira kuti hurwere huri kukunetsa hupere.UMIRIRA kwakaoma. Kumirira kunorwadza. Unogona kumirira Zupco, asi robva rakusiya nekuti rauya rakazara. Unogona kumirira kupindurwa kwetsamba yawakanyorera basa, asi wotozviona kuti hapana chiri kubuda nekuti gore rinenge rave kutokwana wakamirira.

‘MHURI YOSE TIRI MBAVHA . . .‘Inini, vamwene, murume wangu nevaramu’

MUDZIMAI wechidiki uyo ari kupika jeri kuChikurubi Female Prison, muHarare, nemhosva yekuba ave kubuda pachena kuti vanhu vemhuri yaakaroorwa vose imbavha.

Kubatanidzwa kwemutemo wewanano newemaWiri

Munhu anonyora Wiri anenge aine kodzero yemidziyo yake kuburikidza nemutemo weWills Act (Chapter 6:06). Pane kudyidzana pakati peWiri newanano nekuti munhu ane kodzero yekugovera midziyo yake kuvanhu vaanoda kuti vawaniswe.ZIRA yekunyora maWiri inoita kuti munhu ange achisarudza zvaanoda maringe nenyaya yekuti pfuma yake inge ichogoverwa kana achinge afa, zvikuru kumudzimai nevana.

Kutaurirana nemudzimu

Tinoenderera mberi nekupedzisa mhinduro yemubvunzo uyu svondo rino.. TSANANGURA pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotevera dzekupira midzimu; Doro remukwerera, Kuteketera kwavadzimba, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]

Ozvuzvurudzwa namadhamu pabasa

MUMWE murume akachema-chema pamberi pedare achiti aimbove mudzimai wake ane katsika kekumushungurudza uye rimwe zuva akambouya kubasa kwake akamuzvuzvurudza akamudzvanya chikabudura ndokusiya amubvarurira juzi rake.

Maticha 5 000 opinzwa basa

BAZI rePublic Service Commission (PSC) riri kuita hurukuro nebazi rinoona nezvehomwe yenyika nechinangwa chekuti ripinze vamwe varairidzi 5 000 mabasa senzira yekuderedza kushomeka kwavo panguva iyo muzvikoro zviri kumativi mana enyika muri kudiwa vadzidzisi vanosvika 13 000.

Chando: Gara wakagadzirira!

MWAKA uno wechando unozezwa nevanhu vakawanda nekuda kwekuti kunze kunenge kuchitonhora, zvikuru mwedzi waChikunguru zvichinosvika munaNyamavhuvhu, apo kunenge kuine chando nemhepo inovhuvhuta. Nguva ino zvakare, kune zvirwere zvakasiyana zvinogona kunyuka…

Dzokororo: Mhando dzerondedzero

ZVOTODAI kupinda munaChikunguru zvinoreva kuti bvunzi dzepakati pegore (mid-year examinations) dzava kuda kunyorwa. Ndipo patinosangana nenyaya huru inopfukuta goho redu apo vana vanoita dambudziko nekunyora rondedzero.

Nhetembo yandafarira

VONDO rino tinopedzisa mhinduro yemubvunzo watakatanga svondo rakapera wakanzi;

×