NAC yorwisa HIV kumakorokoza

MAMWE madzimai anoita basa rekutengesa miviri vari kubuda pachena kuti mari ine chitema uye iri kuvatuma kuenda pabonde nemakorokoza ayo asingade kushandisa dziviriro izvo zviri kuvaisa panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV.

Magetsi adzima, newewo vheneka mwoyo wako

CHANDO chiri kutonhora zvekuti chandidzidzisa chidzidzo. Kunze kwebhachi randakasiya ndakaturika kubasa, ndine mamwe mabhachi ari kumba aita kuti ndibvunze kuti munhu chaiye anofanira kuve nemajuzi nemabhachi mangani?

Goho rechibage rakaderera

ZIMBABWE iri kutarisira kuwana goho rechibage rakaderera mwaka uno rematani 776 635 kana zvichienzaniswa nematani 1,7 miriyoni egore rapera zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka kumatunhu akawanda enyika.

O-LEVEL — RUKUVHUTE: Hondo yeChimurenga

SVONDO rino tinoenderera mberi nemubvunzo watakatanga svondo rapera unoti;

Zvidzidzo zviri munhetembo

KUBVA munhetembo dzechinyakare tinodzidza zvakawanda pamusoro peupenyu netsika dzechinyakare. Tsigira pfungwa iyi zvizere uchishandisa nhetembo shanu kubva muzvikwata zvishanu zvakasiyana. [25]

Mukadzi akarambirwa juju

MUDZIMAI wekuNyanga, wekunzi akarambwa nemurume mushure mekunge amubata achimushandisira mushonga, anoti murume wake anomurova kunge nyoka yapinda mumba uye rimwe zuva akambomuzvindikita zvekuti akazopedza nguva yakareba achitadza kunyatsodya apo airarama nebota.

‘Futi futi wakandipfimba ndikakuramba’

MURUME wekuStoneridge, muHarare – uyo wekumhan’arira mukadzi anova muvakidzani wake kudare achiti ari kumushungurudza – akazoshaya pekupinda mushure mekufumurwa kuti ainge amupfimba ndokurambwa zvikaita kuti amutyisidzire achiti anoda kumupisira mumba.

Chembere dzorwira makuhwa

CHEMBERE mbiri idzo dzinova vavakidzani dzakamisidzana mudare nekuda kwekushungurudzana pamusoro penyaya yekuitirana makuhwa.

‘Sori murume wangu . . . Ndinokuripa kana nemombe’

“SORI kani sori! Ndati sori kani murume wangu, ndiregererewo purizi, ndine zvikomba zviviri. Ndakatadza, kana kukuripa ndinokuripa zvangu.”

‘Ndinopa juju yerudo’….mishonga inosimbisa misana

CHEMBERE yekwaSeke inoti iri kupura mari zvekusvika pakuzvitengera motokari yerudzi rwekombi nekutengesa mushonga unosimbisa musana nekumutsiridza rudo mudzimba.

×