Batsirai chikwata chemaWarriors

KOMITI iri kuunganidza mari yekutsigira chikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors — icho chatove kunyika yeEgypt chichigadzirira kukwikiwdza mumitambo yeAfrica Cup of Nations (Afcon) – yeWarriors 2019 Fund Raising Committee, iri kukumbira makambani, mapoka akasiyana neveruzhinji kuti vabatsire mukuunganidzwa kwemari inosvika US$500 000.

Baba vobata mwana (4) wavo chibharo

MURUME anoshanda pachimwe chikoro chepuraimari chiri muHarare akasungwa nemapurisa nemusi weChishanu wadarika achipomerwa mhosva yekubata-bata sikarudzi nekubata chibharo kamwanasikana kake kane makore mana ekuzvarwa.

Zvitoro zvakaderera kuvanhu

HURUMENDE inoti yakaisa $70 miriyoni parutivi iyo ichashandiswa mukuvamba zvitoro zveveruzhinji (People’s Shops) izvo zvinenge zviine mitengo yakaderera, rinova danho riri kutarisirwa kuzoderedza nyaya yekudhura kwezvinhu munyika.

MAONERO EDU: Unzai yedu mari

ZIMBABWE pari zvino iri mushishi kurwisana nematambudziko ari kukonzerwa nekukwira kwemitengo yezvinhu izvo zviri kuona vemabhizimisi vakawanda vachikwidza mitengo zvisina tsarukano.

Chechi yokoshesa utsanana

CHECHI yeJohane Masowe weChishanu iri kuUnit N Extension, kuChitungwiza – iyo inonyanya kuzivikanwa nekunzi Bonservia Johane Masowe ichitungamirirwa naMadzibaba Bond Bonservia Gumira – inoti inokoshesa utsanana mune zvose zvainoita nedonzvo rekudzivirira kunyuka kwezvirwere.

‘Handirarame pasina pairesi’

MUIMBI wechidiki achiri kusimukira wemusambo wechitendero anoti kunyangwe zvazvo vamwe vaimbi vachichema-chema nenyaya yepairesi vachiti iri kuvarozva simba ravo, iye anoona seyakanaka zvikuru sezvo ichiita kuti mhanzi yake ishambadzwe.

DZIDZO YOSIMUDZIRWA . . . MaScience kit odirwa muzvikoro

HURUMENDE – kuburikidza nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari – svondo rapera yakapa rubatsiro rwemidziyo inoshandiswa muzvidzidzo zveSainzi (Science kits) kuzvikoro 92 zvepuraimari zviri mudunhu reMashonaland East.

Zvikoro 17 zvopera kuvakwa

KUVAKWA kwezvikoro zvitsva 17 pasi pehomwe yeOPEC Fund for International Development kwave kupera uye bazi redzidzo yepuraimari nesekondari pari zvino rave kutotenga zvinodiwa pakudzidza kwevana semakombiyuta emuzvikoro izvi.

Ndasungunutsa madzimai 1 000

MUDZIMAI wekwaZvimba — uyo anove muporofita uye achiita basa rekusunungutsa vanenge vaine pamuviri — anoti asunungutsa vanhukadzi vanodarika 1 000 kubvira paakatanga kuita basa iri mugore ra1968.

Chikamu chezvemukaka chosimudzirwa

HURUMENDE inoti iri pakati pekuita hurukuro nemubatanidzwa wemakambani emuno neekunze ari muindasitiri yezvemombe dzemukaka nechinangwa chekuti nyika ino iwane mukaka wakawedzerwa kubva pamarita 65 miriyoni ayo ari kuburwa parizvino pagore.

×