Chembere dzorwira makuhwa

Ashley Muchamiri
CHEMBERE mbiri idzo dzinova vavakidzani dzakamisidzana mudare nekuda kwekushungurudzana pamusoro penyaya yekuitirana makuhwa.

Betty Muchenje akamhan’arira Beauty Nyatsunga nemuzukuru wake, Shupikai Chibvongodza, kuHarare Civil Court achiti vari kumuonesa pfumvu.

“Vaviri ava ndiambuya nemuzukuru, vanondishurudza vachindindituka nekundinyeya nemadimikira. Kana ndisipo, vanosara vachiuya kumba kwangu vachishungurudza vazukuru vangu zvose nemaroja,” anodaro.

Muchenje anoti Nyatsunga haadi kumuona akamira kana kumhoresana nevanhu panzira.

“Ambuya ava havadi kuti ndiwirirane nevanhu, vakandiona ndichikwazisana nemunhu panzira vanobva vatogamirira nyaya iyoyo ini ndotongonyarara,” anodaro.

Muchenje anoenderera mberi achiti, “Shupikai uyu akaudza mwana wangu makuhwa achiti wakagona pakutsvaga musikana anochengeta mwana wako nekuti amai vako havagone kuchengeta nekubata muzukuru zvakanaka. Anopindira nyaya dzekumba kwangu kuti zvidii?”

Nyatsunga anoudza dare kuti haana chaakatadzirana naMuchenje asi kutoti ndiye ane pamuromo.

“Ini handina chandakatadzirana naambuya ava asi kutoti ndivo vakauya pamba pangu gore rapfuura munaZvita ndokutema muti wangu pachivanze ndisina kutaurirana navo,” anodaro.

Nyatsunga anoti Muchenje anouyawo achiita matare pagedhi pake achideedza nekutongesa vazukuru vake tunyaya twemakuhwa.

“Mukadzi uyu handitsike pamba pake asi kutoti ndiye anouya achitongesa vazukuru vangu makuhwa pagedhi pangu uyezve akauya akarova muzukuru wangu nesimbi, akazomurova nembama izvo takanomhan’ara kumapurisa,” anodaro.

Chibvongodza anotiwo hapana chanotadzira Muchenje asi kuti ndiye anotouya kumba kwake achibvunza nyaya dzemakuhwa.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Muchenje gwaro rerunyararo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×