‘Handi Ndunge, matsotsi’
VERUZHINJI vari kuyambirwa kuti vangwarire magevha ayo ari kufamba achizviti in’anga uye vachiti ihama kana kuti vana vaSekuru Ndunge – n’anga yekuChipinge iyo yakashaya.
Dzvi aine mbudzi yakafa musaga
MURUME anofungidzirwa kuti anoba zvipfuyo kwaChivero, kuMhondoro nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza, nyama yacho achitengesera kuHarare, akazoigochera pautsi apo akabatwa aine mbudzi yakafa musaga paMbare Msika, ndokuzozvambaradzwa neveruzhinji.
Ongororwa uzive paumire
BAZI revechidiki, mitambo nekutandara rinoti shasha dzemitambo yakasiyana dzine basa guru mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS kuburikidza nekukurudzira veruzhinji kuti vazvibate uye kuti vavhenekwe kuitira kuti vazive pavamire.
Kuita chisahwira naMwari bodo!
MAZUVA ano kune machechi akawanda ayo ari kungonyuka apo vamwe vanhu vari kupedzisira vave kuzviti ndivo anaJesu kana kuti “Mwari” mbune.
TAGADZIRIRA AFCON: DECO
MUTAMBI wemaWarriors neLamontville Golden Arrows yekuSouth Africa – Danny “Deco” Phiri – anoti anoda kuita zvinorova apo vari kuenda kuEgypt kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) ayo ari kutanga masvondo maviri anotevera.
KwaNyava vobairwa zani neSeed Co
VARIMI 62 vemunharaunda yekwaNyava, kwaMambo Musana, vakawana ruzivo rwunokosha pakurimwa kwemiriwo yakasiyana kubva kunyanzvi dzekambani inouchika mbeu zvemandorokwati, yeSeed Co.
Zvinongoda kuzvipira: Madzibaba Masango
MADZIBABA Strive Masango vechechi yeKubata kwaVapositori iyo inowanikwa kuRugare, muHarare, vanoti vasimudza mureza weZimbabwe kuburikidza nekushanyira nyika dzakasiyana vachibatsira vanhu mumatambudziko avo.
Varimi vakapangwa mazano
KAMBANI huru pakuuchika mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, nemusi weChipiri svondo rino yakaparura chirongwa cheGrand Seed Co Vegetable Fields Day icho chakaona mazana nemazana evarimi vakabva kumatunhu akasiyana enyika vachipakurirwa ruzivo rwuri pamusoro pekurima miriwo yakasiyana.
‘Tinoda maticha emutauro wedu’
VAGARI vekumaruwa eSengwe, kuChikombedzi, mudunhu reMasvingo, vari kukumbira bazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti risaendese varairidzi vasingazive mutauro weShangani uku vachiti izvi zviri kukanganisa budiriro yefundo yevana veko.
Hurumende yobatsira varimi
HURUMENDE iri mushishi yekushanda nesimba kuti ibatsire varimi vakwanise kuwana zvekushandisa mukurima zviri nyore zvichitevera kukwira kwakanyanya kwemitengo yezvinhu.











