Mamwe mabasa anoitwa nengano

Munyaradzi Gunduza NGANO mutambo waitambwa pakati pasarungano navateereri. Chimwe chinangwa chengano chaive chekutandadza vateereri sezvo makare kare kwainge kusina midziyo yakawanda yakaita samawairesi, zvivhitivhiti, nhare nemakombiyuta zvave kushandiswa mazuva ano…

Akafa awirwa nechitoro

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MUNYAYA inosiririsa zvikuru, mwana ane makore mapfumbamwe okuberekwa anonzi akafa mushure mekuwirwa nechidziro chechitoro icho chainge chabonderwa nemotokari yaive yaita tsaona panosangana mugwagwa waLomagundi naMidway, kuChinhoyi.

Mwari ndiye anoziva: Phidza

Abel Ndooka AIMBOVE mutungamiriri weZifa, Phillip ‘Phidza’ Chiyangwa, anoti Mwari voga ndivo vanoziva kuti achadzoka here kuzokwikwidza kuti atungamire sangano iri zvakare mune ramangwana zvichitevera kurakashwa kwaakaitwa naFelton Kamambo musarudzo…

Zvirongwa zvitsva zvekubatsira vanhu vanorarama nehiv

CHARLES (17) wekuMwenezi kuMasvingo, muZimbabwe akaberekwa aine utachiona hweHIV. Amai vake vakafa achiri mudiki.

Oita tsvina ye’fish’

‘Ndinotodziona muchemba’ Kingstone Mapupu MURUME anogara kuGlenwood, kuEpworth, anoti atambura nekuita tsvina ine masahwa ehove izvo zvamusiya atsemuka tsemuka kunhengo yake inorasa tsvina.

Makuwerere evarimi kuZaka

Bright Musakanda KWAKANGA kusingadanwi anonzwa musi weChishanu 7 Zvita 2018 paVaChavizha, kuward 8 mubhuku raGwendere, kuZaka. Varimi vakawanda vemudunhu reMasvingo vakakoromoka nehuwandu hwavo kunodzidza nezvekurimwa kwemirowo (horticulture) nechibage izvo zvakanga…

China yotsigira kurima muZim

Munyori weKwayedza VAKAFANOBATA chigaro chemumiriri weChina munyika muno VaZhao Baogang vanoti vakazvipira kusimudzira mabasa ekurima muZimbabwe sezvo kurima kuri iko musimboti webudiriro yehupfumi hwenyika.

Stem yanga yava nehuwori: Murwira

Tandayi Motsi GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende yakamisa chirongwa chekupa mabhezari kuvadzidzi veA-Level vaiita zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) zvichitevera huwori hwaiitika…

musha wakazorwa tsvina nemupurwa

Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weSally Mugabe Heights Phase 2, kuDomboshava, yave kugara izere nekutya zvichitevera mashura emukweshwa wemupurwa wavanoti vakaona uri mumba mavo, ndokuzotiza uchisiya waitira tsvina mumba yose,…

‘Tinoda makirabhu ekudzidzira nyambo’

Abel Ndooka SHASHA yekuita nyambo dzinosetsa zvikuru (standup comedy) Alfred Kainga — uyo ange achitenderera kunyika dzakasiyana achiita mashoo — anoti vari muindasitiri iyi vanofanirwa kuvhura makirabhu ekuti nyanzvi dzemutambo…

×