Akafa awirwa nechitoro

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MUNYAYA inosiririsa zvikuru, mwana ane makore mapfumbamwe okuberekwa anonzi akafa mushure mekuwirwa nechidziro chechitoro icho chainge chabonderwa nemotokari yaive yaita tsaona panosangana mugwagwa waLomagundi naMidway, kuChinhoyi.

Buhlenkosi Hlatswiyo anonzi akatsitsirirwa nemudhuri wechitoro ichi apo aive akamirira bhazi rekuenda kuchikoro kwaaidzidza kuHope Tariro Primary School, kwakare kuChinhoyi.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Assistant Inspector Ian Kohwera, vanotsinhira nezvenjodzi iyi.

Vanoti mota yerudzi rweToyota Funcargo ine nhamba dzinoti ADP 0520 yaityairwa naRashider Kasima yakabonderana neSerena ine nhamba dzinoti ADK 3519 iyo yaityairwawo naCharles Chambare.

“Mota yaityairwa naKasima ndiyo yakazonorovera pamudhuri wechitoro uyo waive pedyo nemushakabvu. Mudhuri uyu unonzi wakawondomoka uchibva watsitsirira mwana uyu,’’ vanodaro.

Buhlenkosi akazoendeswa kuchipatara cheChinhoyi Provincial Hospital asi anonzi akafa asati arapwa.

Chambare anonzi aivewo akatakura mwana wake waaiendesa kuLomagundi Primary School uye akakuvara ruwoko rwekuruboshwe nemazino mutsaona iyi.

Asst Insp Kohwera vanoti: “Tiri kungokuridzira kuti vatyairi vedzimotokari vateedzere mitemo yomumigwagwa. Vatyairi kana vachifamba mumadhorobha nemumaguta havafanire kumhanyisa mota,’’ vanodaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×