Econet yogadzirisa First Street

Tandayi Motsi KAMBANI yeEconet Wireless svondo rino yakabatana nekanzuru yeHarare muchirongwa chekuvandudza mugwagwa First Street izvo zvichaona muchiiswa nhare dzekuti veruzhinji vakwanise kusvitsa zvichemo zvavo kuvakuru veguta uye makamera anoratidza…

Tabhadhara zvikwereti zvose: Zifa

Abel Ndooka SANGANO rinotungamira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti rakapedza kubhadhara zvikwereti zvaro zvese zvaisvika $7 miriyoni kumakambani, mapoka akasiyana pamwe nekuvanhu vakazvimirira.

Onzi kubara vana masope huroyi

Kingstone Mapupu MHURI inogara kuHatcliffe Extension, muHarare – iyo ine vana vana masope – inoti yave kusemwa nehama pamwe nekuitwa varoyi nekuda kwevana ava izvo zvavamanikidza kupata musha wavo uri…

Chitunha chakanhongwa pamasowe

Liberty Dube ari kwaMUTARE MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuchekeresa, chitunha chemwana ane makore maviri ekuzvarwa chakawanikwa chiri pamasowe eSt Noah Shrine, kuMafarikwa, kwaMarange, mushure memazuva 11 mwana uyu atsakatika.

Mabasa e$ 5, 3 bn ovambwa

Felex Share DARE reCabinet nemusi weChipiri svondo rino rakabvumirana nehurongwa hwekuti mabasa kana kuti mapurojekiti 11 ayo anokosha $5,3 bhiriyoni uye aine chekuita nekusimudzira upfumi hwenyika avambwe nekukasika.

‘Lochinvar Primary madadisa’

lven Mugadzikwa CHIKORO cheLochinvar Primary School, icho chiri muHarare, chiri kurumbidzwa zvikuru munyaya dzekupakurira vana dzidzo yemhando yepamusoro uye nekubura shasha mune zvemitambo.

Sikarudzi hapana hapana

Munyori weKwayedza MURUME wekuKuwadzana, muHarare, anoti sikarudzi yake “inotiza” pose paanoda kusasana nemudzimai wake inova nyaya yamutsa kufungirana muwanano yavo.

Kushanda kweSeed Co neZfu

GORE negore kambani huru muZimbabwe pakuuchika nekutengesa mbeu dzepamusoro, yeSeed Co, inobatana nesangano guru rinomiririra varimi, reZFU kuronga musangano wecongress apo pavanosangana nevarimi vanobva kumatunhu ose enyika.

‘Madzimai munozozviwanza’

Munyori weKwayedza VAMWE vakuru vemachechi vanoti madzimai akaroorwa “anozozviwanzawo” kana pari panyaya dzekuremekedza vakuru vemachechi asi vachitarisira varume vavo pasi.

Zimpapers yodhinda mabhuku ekunyorera

Typocrafters pfacha . . . Munyori weKwayedza ZIMPAPERS Group – huru yadzo dzose pakudhinda nekuburitsa nhau muZimbabwe – svondo rapera yakavhura zvakare imwe yemakambani ari pasi payo, yeTypocrafters, ndokukumikidza muchina…

×