Mitengo yezvinhu yoongororwa
Daniel Nemukuyu HURUMENDE iri kuongorora mitengo yezvinhu zvakasiyana kubvira uko kwazvinogadzirwa kusvikira apo zvinozotengeswa muzvitoro nedonzvo rekuranga nhubu dziri kukonzera kukwira kwemitengo zvisina tsarukano.
Mbonje dzerudo rweginya
Muchaneta Chimuka VAMWE vanhukadzi vanorarama neutachiona hweHIV uye vachiita mabasa ekutengesa miviri — chipfambi — kuVenice Mine, kuMhondoro-Ngezi, vari kuchema-chema nekushungurudzwa kwavanoitwa nevarume makorokoza avo vavanoti vanovacheka nemapanga kana mabhemba,…
Zvinoita kuti goho rikure
Wendy Madzura TINOENDERERA mberi nechikamu chedu chatakatanga svondo rapera chemazano gumi nerimwe ayo anoita kuti goho remurimi rikure. Kuchengeta manyowa nezvakaorera mumunda:
Gore rose dhu mwanasikana ari ‘mwanakomana’
Kingstone Mapupu MURUME wechidiki anogara mumusha we’Joburg Lines (Majubheki), kuMbare, muHarare, akagurwa kunorira nemudzimai wake zvichitevera kupedza kwaakaita chipo chegore — mwedzi gumi yakazara —achichengeta mwana wavo mucheche uyo waainyeperwa…
Vanhukadzi nekurima muZim
Danai Chirawu NOMUSI wa15 Gumiguru 2018, pasi rose rakabatana mukupemberera zuva revanhukadzi vanogara kumaruwa, reInternational Day of the Rural Woman.
Chitunha chakamera mazino
Daphne Machiri NYAYA yemwana kasvava wekwaMambo Makope, kuMvurwi – uyo ari kunzi akadyiwa mhuno yake yose, muromo zvose neminwe ari mupenyu nezvinhu zvisina kuonekwa, mushure memazuva mashoma achibva azofa apo…
Ndiri kudzidza Zim: Darikwa
Abel Ndooka MUTAMBI wechikwata chenyika chemaWarriors neNottingham Forest yekuEngland, Tendayi Darikwa, anoti ari mushishi yekudzidza tsika nemagariro zvemunyika muno nedonzvo rekuti ave chizvarwa chemuZimbabwe chakazara.
‘Aya mashura padunhu’
Daphne Machiri NYANZVI dzechivanhu dzinoti nyaya yekasvava kanonzi kakadyiwa mhuno, muromo neminwe kari kapenyu nezvinhu zvisina kuonekwa, mushure ndokuzofa apo chitunha chako chakazomera mazino matatu, ine chekuita nekuromba mishonga yakaipa.
O’level – Chokwadi chinobuda
Munyaradzi Gunduza “RINA manyanga hariputirwe mumushunje.” Tsanangura kuti tsumo iyi inozadziswa sei nezviitiko zvishanu zviri mumutambo Kereke Inofa. (25)
Grade 7: Kunyora mazwi muuzhinji
Ticha Danga MUTAURO wedu wakapfuma zvikuru uye unodadisa kana tichitevedzera mataurirwo awo akanaka. Tinozouvhiringidza paya patinotadza kuutaura nemazvo.









