Teverai Mai Mnangagwa
SVONDO rino, mudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vakapa mucherechedzo wakanaka zvikuru apo vakashanyira misha yeBudiriro neGlen View iri muguta reHarare ndokukurudzira veruzhinji kuti vakoshese hutsanana mukurwisa kupararira…
A-LEVEL — KUDA MUHONDO : Matambudziko enguva yehondo
Munyaradzi Gunduza KUPISIRWA dzimba nematura – Josiah anotaura achiti masoja akasvika pamusha akashaya munhu anobva apisa dzimba nematura. Izvi tinoona vachizviita pamusha pavanaKuda pavanoshaya vanhu avo vainge vatizira muchikomo ndokubva…
Baba vaye havafunge, vakafa njere
INGUVA zhinji dzandinonzwa vanhu vachituka kana kushoropodza vamwe vachiti, “Baba vaye havafunge, vakafa njere.”
Zvikoro zvamauto zvakapihwa mibairo
Midlands Correspondent MUKURU wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant General Edzai Chimonyo, svondo rapera vakapa mibairo kuzvikoro zvepuraimari nesekondari zviri pasi pemauto izvo zvakakunda mumakwikwi ezvidzidzo nemumitambo pachiitiko cheCommander ZNA Schools…
Marimiro anokudza goho
Wendy Madzura KURIMA zvekukwidza goho pandima (yield per unit area) kwakakosha kuti mhuri pamwe chete nenyika yeZimbabwe zvive nemaguta. Kurima kwakadai kunopa budiriro kuvarimi zvose nenyika.
Chikoro chitsva kuSelous
Fortunate Gora VANA vepaAmbuya MaFuyana Primary School, kuSelous, vava kuzosiya zvekufundira mumadhirihora efodya zvichitevera kuvakwa kwedzimba itsva dzekudzidzira pachikoro ichi.
Ndakada kuzviuraya: Mosquito
Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa munyaya dzetsiva, Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika anoti ane nguva yaakambopindwa nepfungwa dzekuda kuzviuraya kanokwana kaviri kose apo hupenyu hwaive hwamuomera asi akazopa tariro yake kunaMwari.
‘Apa pane nyaya’
Daphne Machiri NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yechitunha chemurume wekuMazowe — icho chakazovigwa chisisina rimwe ziso richinzi rakadyiwa nasahwira — ine chekuita nemabasa ehuroyi kana kuti mushakabvu uyu anogona kunge akafa…
Kaka odzoka munhabvu
AIMBOVE mutambi wenhabvu weBrazil, Kaka, anonzi ari kutarisirwa kudzoka kuzotambira chikwata cheMonza icho chiri kutungamirwa naSilvio Berlusconi.
‘Tokoloshi ndeyangu’
Kingstone Mapupu MURUME nemudzimai wake vekuGokwe – vekubuda munhau vachipomera muporofita Madzibaba Steven Mugariri huroyi apo vaiti vakapihwa miteuro yakazonopanduka kuita zvidhoma – vava kudududza vachiti ivo ndivo zvitopota zvevaroyi…







