Ndiri kudzidza Zim: Darikwa

Abel Ndooka

MUTAMBI wechikwata chenyika chemaWarriors neNottingham Forest yekuEngland, Tendayi Darikwa, anoti ari mushishi yekudzidza tsika nemagariro zvemunyika muno nedonzvo rekuti ave chizvarwa chemuZimbabwe chakazara.

Muhurukuro neKwayedza nemusi weChipiri chino  kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare  apo maWarriors akaita mangange 1-1 neDemocratic Republic of Congo mumutambo wekurwira kuenda kuAfrica Cup of Nations (Afcon) kuCameroon gore rinotevera, Darikwa anoti anonzwa kufara zvikuru nerutsigiro rwavakawana mutambo uyu.

Anoti pose paanouya muZimbabwe ari kutora mukana uyu kudzidza pamusoro petsika nemagariro emuno.

“Pose pandinenge ndiri muno ndiri kudzidza chivanhu chemuno uye ndiri kudzidza mutauro wemuno, kunyanya Shona.

“Zvichiri kundinetsa nekuti zvinoitika mbichana-mbichana asi chakanaka ndechekuti mutambi wese anogona kutaura ChiRungu saka tinonzwanana zvakanaka,” anodaro.

Mutambi uyu – uyo akashevedzwa kechipiri kuzotambira maWarriors – anoti ane zvimwe zvaasingazive kusanganisira mutupo wake chaiwo nekudaro achatobvunza vabereki vake kuti vamutsanangurire zvizere.

“Kwete handizive kuti mutupo chii, asi pane mumwe munhu ambondibvunza nezvazvo nhasi chaiye. Saka ndichanobvunza baba vangu kuti mutupo wangu chii uye zvinomborevei,” anodaro.

Achitaura pamusoro pemhanzi yemuno, Darikwa

anoti anoiterera uye anoziva vaimbi vakawanda asi haakwanise hake kudoma kuti anofarira upi chaiye nekuti anoti zvinozoita kunge ari kushora vamwe vaimbi.

“Varimo vakawanda vanoridza mhanzi inonakidza, asi handikwanise kuvadoma nekuti zvinozonetsa,” anodaro achiseka hake.

Achitanga kuuya kuzotambira maWarriors gore radarika, muchinda uyu akapihwa ndiro yesadza neusavi ndokudya uye anoti akanakirwa zvikuru sezvo haaiziva kuti sadza rinonaka kudaro.

Achitaura nezvamatambiro emaWarriors, Darikwa anoti vanofanirwa kuramba vakasunga dzisimbe kuti vagobudirira kuenda kuAfcon.

Anoti mutambo wake wekutanga achitambira munhandare yeNational Sports Stadium wange wakamukoshera uye rutsigiro rwaakaona rwakamufadza zvikuru.

“Kutambira pamberi pevatsigiri vedu ava kwakakosha uye vange vachititsigira kubva patanga mutambo kusvika kumagumo. Asi chibodzwa chatakawana chakakosha uye tisu tichiri kutungamira muboka redu.

“Zvange zvisiri nyore hazvo nekuti DRC ine vatambi vakawanda vepamusoro,” anodaro Darikwa.

Zvakadaro, chibodzwa chakatorwa nemaWarriors mumutambo wavo neDRC chakaona chikwata ichi chichiramba chiri pamusoro muboka racho muGroup G.

MaWarriors ari kutungamira nezvibodzwa zvisere kubva mumitambo mina yaatamba uye asarirwa nemiviri kuti abudirire kuenda kumutambo weAfcon uyu.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×