Kaka odzoka munhabvu

AIMBOVE mutambi wenhabvu weBrazil, Kaka, anonzi ari kutarisirwa kudzoka kuzotambira chikwata cheMonza icho chiri kutungamirwa naSilvio Berlusconi.

‘Tokoloshi ndeyangu’

Kingstone Mapupu MURUME nemudzimai wake vekuGokwe – vekubuda munhau vachipomera muporofita Madzibaba Steven Mugariri huroyi apo vaiti vakapihwa miteuro yakazonopanduka kuita zvidhoma – vava kudududza vachiti ivo ndivo zvitopota zvevaroyi…

‘Maticha achawana mabasa’

Tandayi Motsi HURUMENDE ine hurongwa hwekuti vadzidzi vemuzvikoro zvinofundisa varairidzi vasvike 40 000 mugore ra2023 kana zvichienzaniswa ne8 000 vari kumakoreji aya pari zvino.

Vanasikana vekuKariba vobatsirwa

Muchaneta Chimuka VANASIKANA vanodzidza munharaunda yeKariba vari kubatsirikana pakuti vaende kuchikoro vakatsvinda nekuwaniswa zvekushandisa panguva yekutevera (sanitary pads) kuburikidza nemabhindauko ari kuitwa nesangano rakazvimirira reTony Waite Organisation.

YAMBIRO PAMUSORO PETISHAMWARIDZANE Naizvozvo vose vanotumira maSMS avo kuchirongwa chino ngavave vanhu vari pachokwadi uye voshandisa nhamba dzenharembozha dzavo chaidzo. Hachipo kuparadza dzimba dzevanhu nokudaro avo vakawanikwa nevakaroora havakurudzirwe kunyorera…

Odonha honye achifamba

Muchaneta Chimuka MUNYAYA inofungirwa kuti ine kushandisirwa mishonga yakaipa, mukomana wechidiki anoraramira mumigwagwa yemuguta reHarare ari kutsvaga rubatsiro rwekuti arapwe chirwere chaava nacho chekubuda honye kunhengo yake inorasa tsvina.

Cholera: Voponera kwaMukuvisi

Kingstone Mapupu APO Hurumende nemamwe masangano vari mushishi kurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka checholera, kune vamwe vanhu vari kuisa utano hwavo panjodzi kuburikidza nekuwachira nhumbi nemimwe midziyo munzizi dzine mvura ine…

Imboravira bota remauyu

BOTA rinogadzirwa nemauyu manyautsa mukanwa chaiwo sezvo richipa simba nekuvaka muviri uye mumauyu tinowana iron iyo inosimbisa mabhonzo.

Khabib otya kurangwa nababa vake

BABA vaKhabib Nurmagomedov – Abdulmanap – oyambira kuti murango waachapa mwana wake uchange uri mukuru kudarika waachapihwa neUFC uye neNevada State Athletic Commission zvichitevera nyaka-nyaka yaakakonzera pakapera mutambo wake naConor…

Tsotsi rakaputika dumbu

Danisa Masuku MURUME wekuGwanda anonzi akazvimba dumbu zvekusvika pakuzoputika zvikaita kuti afe mushure mekunge adya nyama yematumbu ebhuru remombe raainge aba nemumwe wake.

×