‘N’anga, maporofita itai utsanana’

Kingstone Mapupu SANGANO reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC) riri kukurudzira machiremba echivanhu kuti vavandudze mashandiro avo nekupa varwere mishonga isingazoita kuti vatapurirwe chirwere chemanyoka checholera.

‘Musawore mwoyo nepairesi’

Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero – Ziggie Humphrey Chakanyuka – anoti vaimbi havafanirwe kuwora mwoyo nekuda kwepairesi asi kuti varambe vakatsungirira mubasa ravo vachibura dzimwe mhanzi itsva.

Zvakanaka kuchecheudzwa

Kuna Chiremba NDIRI murume wechidiki ane makore 25 okuberekwa. Ndakanzwa nyaya yekuchecheudzwa kwevanhurume ichikurukurwa nezvayo uye pane zvimwe zvakaipa zvinotaurwa nezvenyaya iyi zvaita kuti ndisanyatsoziva chokwadi chaicho uye kuti pfungwa…

Oshungurudza amai shirikadzi

Gamuchirai Muzanenhamu MUDZIMAI wekuWarren Park, muHarare, akaendesa mwanakomana wake kudare achiti ari kumushungurudza nekukiya dzimba dzemaroja pamwe nekuvadzinga pamba izvo zvave kuita kuti ashaye mari.

‘Chokwadi chabuda pachena’

Munyori weKwayedza VOTAURA nezvenyaya yevanhu vekuGokwe avo vainge vambovati miteuro yavo yava zvidhoma, Madzibaba Steven vanoti mhuri iyi yakavasvibisa zita ravo.

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera: Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope. Dambudziko kana chinhu chinoitika masikati chinotadzisa vanhu kuita mabasa avo emuminda, zvotiwo dambudziko rinouya husiku rinotadzisa vanhu kurara. Zvekuita:…

College Press yorwisa cholera

Malven Mugadzikwa KAMBANI huru mukudhinda mabhuku ekuverenga, yeCollege Press, svondo rapera yakapa zvikoro zviri kuGlen View neBudiriro, muHarare, matangi anosvika 85 ekusiira mvura nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka checholera.

Sahwira akadya chitunha

Daphne Machiri MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mutumbi wemumwe murume wekuWard 1 yekuMazowe, kwaMambo Makope, unonzi wakazovigwa usisina rimwe ziso iro rinonzi rakadyiwa nasahwira wake.

Mutyairi wekombi opindana nacho

Muchaneta Chimuka NYAYA yekutyaira motokari zvisina hanya yakazoparira mumwe mutyairi wekombi apo akangoerekana atena nekumberi kwemudhudhudhu zvikaita kuti abondere ndokukuvadza mutyairi wawo.

Mariro ezvemamiriro emari munyika

naIgnatius Mabasa MASHOKO, mashoko, mashoko. Mashoko anonaya kunge chimvuramabwe. Mashoko anoramba achihukura kunge imbwa dziri kuona zvinhu zvisingaonekwe nevanhu husiku.

×