Usatarisire chidzidzo cheShona pasi
Ticha Danga REGAI tirambe takabata ipapo dzamara tagutsikana kuti zvirokwazvo tsumo dzapinda mumbariro dzepfungwa. Bvunzo riri kuswedera zuva nezuva uye gadziriro dziri kufamba zvakanyanya nekuti tiri kuona vana vachikumuka muzvikoro…
Ozil siyana nazvo: Emery
MANEJA weArsenal, Unai Emery, otsigira Mesut Ozil kuti asaterere mashoko ekumushoropodza ari kubva kuGermany zvichitevera kusendeka kwaakaita kutambira nyika iyi nhabvu, ndokuti ari kumuona achitamba nhabvu inonwisa mvura mwaka unotevera.…
‘ndinodaidza nyoka nemuridzo’
Kingstone Mapupu MUKADZI wekwaNerutanga, kwaNyashanu, mudunhu reBuhera, ari kuita mashura nezviratidzo – anoshevedza nyoka nemuridzo kana nemheterwa dzichiuya kwaari.
Vofamba nyore kuBuhera South
Kingstone Mapupu ZAMBUKO idzva reNyadi, iro rakavakwa murwizi Nyamuzezi kuBuhera South rava kubatsira vagari veko zvikuru kana vofamba nemabhazi kana nedzimotokari . Nhengo iri kukwikwidza musarudzo dzeNational Assembly yakamirira Buhera…
Akafushira mutumbi wasekuru mumunda
Kingstone Mapupu MURUME wechidiki wekwaMurehwa akasungwa nemapurisa svondo rapera achipomerwa mhosva yekuponda sekuru vake achivatematema nedemo, mushure ndokunofushira mutumbi wavo mumunda mavo pedyo nechivanze. Pane fungidziro huru yekuti mupari wemhosva…
Kana zvikava ‘Hard’ sei . . .handirase tariro: hardlife zvirekwi
Abel Ndooka MUTAMBI weCAPS UNITED nechikwata chenyika chemaWarriors, Hardlife Zvirekwi, anoti ari mudenga richinomwe nemufaro zvichitevera kudzoka kwaakaita munhandare kuzotamba nhabvu kubvira apo akakuvara zvikuru munjodzi yemumugwagwa muna Chivabvu gore…
Idya mari necabbage . . . zvinotanga nembeu kwayo
Bright Musakanda NHOROONDO yechirimwa checabbage (brassica olracea var capitata) inobva nekunyika dzeEurope uko kwararimwa kwemakore anodarika 2 500 richiitwa muriwo. Cabbage rinokwanisa kudyiwa rakadaro, riri mbishi, rangovhaidzwa nemvura chete kana…
Vopunduka negorosi
Kingstone Mapupu CHIRONGWA chekurima gorosi kuminda yemadiridziro yeCashel Valley kwaMambo Mutambara, kuChimanimani chobudirira zvikuru izvo zviri kuita kuti varimi veko vawane pundutso. Vamwe vevarimi vari muchirongwa ichi vanobva mumusha waSabhuku…
President vorumbidza Delta
Muchaneta Chimuka MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weMuvhuro uno vakarumbidza kambani yeDelta Corporation nebasa guru rairi kuita rekusimudzira upfumi hweZimbabwe kuburikidza nenzira dzinosanganisira kutsigira varimi mumabasa avo.
Nkala, Tonhodzayi hutu nemibairo
Muchaneta Chimuka KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, svondo rapera yakave chidadiso pamabiko eMegafest 2018 Women’s Awards ayo akaitirwa muHarare apo vashandi vayo vaviri vakahwapura mibairo mikuru. Mukuru…









