Zec yakagona: ‘Mavheti’

Tafadzwa Zimoyo VAMWE verudzi rwechichena vanotenda nemafambisirwo akaitwa sarudzo nekomisheni inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC). Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vechichena avo vakapa mafungiro avo pamusoro pesarudzo…

Akapotsa afira rwiyo

Muchaneta Chimuka MURUME wekuBeatrice akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Court achitarisana nemhosva yekubaya mumwe nebanga pafudzi mushure mekunge vanetsana pamusoro pemimhanzi yaakanga achiridza. Kudakwashe Chembiya (21) wepanhamba 4B, kuBeatrice, anobvuma mhosva…

Manyepo apere semaperembudzi aNamani

naIgnatius Mabasa NGUVA dzesarudzo inguva dzekupenga. Kune vanhu vanoita zvavasingaite mazuva ese. Vamwe vanonyepa, vamwe vanoba, vamwe vachiita hasha, kurova nekutuka.

‘Wakatora murume ndichimuda’

Lizzy Mushoriwa MUMWE mudzimai ari kuchema-chema achiti akatorerwa murume wake nemumwewo mukadzi apo akange achiri kumuda. Getrude Marobora akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naSoulstina Kakavingwa…

bumbiro idzva redzidzo…Basa remudzidzisi rashanduka

naChiremba NOKUDA kweshanduko huru yave muupenyu hwevanhu muZimbabwe uye pasi rose zvaro maererano neruzivo rwezvemichina nekugadzirwa kwayo uye zvekufambiswa kwemashoko, ruzivo rwawandisa zvakare haruperi. Tsvagurudzo dzeruzivo rutsva maererano nemagariro evanhu…

Opfimba akabata banga

Gamuchirai Muzanenhamu MUMWE mudzimai anoti aoneswa pfumvu nemurume muvakidzani wake uyo ari kumupfimba uye kana amuramba anomurova kana kumutyisidzira nebanga. Grace Saora akaendesa Tafadzwa Conformer kuHarare Civil Court achida gwaro…

mukadzi ‘ovhiya’ murume nereza

Lizzy Mushoriwa MURUME wekuti ari kuoneswa ndondo nemukadzi wemapoto — uyo waanoti anomucheka-cheka kumusana nereza — akatozotizira kumatare. Desmond Kademo akamhan’arira Estere Matinyarare kuHarare Civil Court achiti akamuramba asi ari…

Kudetemba uchipfimba

Munyaradzi Gunduza TINOPEDZISA mhinduro yemubvunzo watakatanga kuita unoti: Tsanangura zvinobuda mumadetembedzo okupfimbana kubva mubhuku iri. [25] Vanababamukuru vaigonawo kupfimba varamu vavo kuti vazotora zvinzvimbo zvavanamukoma vavo semudetembo, Rutendo muramu apo…

Vahosi vopomerwa kuroya nyachide

Lizzy Mushoriwa VAHOSI vekunangwa kunzi vari kuroya nyachide pabarika ravo vakazokwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva. Scholastic Chiduku akaendesa murume wake Fungai Chiduku kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekumupomera mhosva…

Usatarisire chidzidzo cheShona pasi

Ticha Danga REGAI tirambe takabata ipapo dzamara tagutsikana kuti zvirokwazvo tsumo dzapinda mumbariro dzepfungwa. Bvunzo riri kuswedera zuva nezuva uye gadziriro dziri kufamba zvakanyanya nekuti tiri kuona vana vachikumuka muzvikoro…

×