Ozil siyana nazvo: Emery

MANEJA weArsenal, Unai Emery, otsigira Mesut Ozil kuti asaterere mashoko ekumushoropodza ari kubva kuGermany zvichitevera kusendeka kwaakaita kutambira nyika iyi nhabvu, ndokuti ari kumuona achitamba nhabvu inonwisa mvura mwaka unotevera.

Ozil akasendeka kutambira nhabvu Germany svondo rino zvichitevera kunetsana kwakaitika apo akatorwa mufananidzo aine mutungamiri wenyika yeTurkey, Erdogan, nyika yake yakatarisana nekuenda kumutambo weWorld Cup.

Vanoita zvematongerwo enyika kuGermany uye vanyori vemapepanhau vazhinji vakashoropodza izvi ndokubvunza kuti akazvipira chaizvo here kuGermany pakabuda mifananidzo iyi yaOzil uyo anobva kuTurkey.

Svondo rino mutungamiri weBayern Munich, Uli Hoeness, akapomera Ozil mhosva yekutamba nhabvu yemarara kwemakore akawanda ndokuti chikwata chake chaikanganisika matambiro acho nekuda kwake.

Murairidzi mutsva weArsenal — Emery — ange achitarisira zvimwewo zvitsva apo aitaura nevatori venhau kekutanga kuSouth-East Asia asi mibvunzo yaaibvunza yange ingori yaOzil nedanho raakatora.

Shoko range riri rimwe chete rekutsigira Ozil nedanho raakatora.
“Idanho remwoyo wake rakatorwa naMesut uye ini ndinorikoshesa. Ndiye anofunga zvaanoona zvakamunakira, akatsanangura kwandiri uye isu kuno tiripo kumubatsira chete,” anodaro. — SportsMail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *