Dzikisa sadza nekabhichi

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka— MURIWO wekabhichi kudya kune utano kana uchinge wanyatsobikwa zvakanaka uye veruzhinji vanowana maVitamin A neC kubva mumuriwo iwoyu.

Ndadzoka zvachose: Gulf Makina

Lizzy Mushoriwa— MUIMBI wemusambo weSungura, Gulf Makina —  uyo akamboimba namushakabvu Paul Matavire — anoti adzoka zvakare mudariro nedambarefu idzva mushure memakore akawanda asina kumbotsikisa.

Akafa anwa Zed

MURUME wekwaMurewa anonzi akafa mushure mekudutira doro rekangopisa rerudzi rweZed.

Mufundisi akatorwa nenjuzu

MUFUNDISI wechechi yepositori yeSt Peters Apostolic, kwaMurehwa, anonzi akafa apo akanogezera padziva rinoyera iro rinonzi rafira vanhu vakawanda vachitorwa nenjuzu.

Chinotimba ovaka zvikoro, makiriniki

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoti vari mushishi kuvandudza zvikoro nemakiriniki mudunhu ravo nedonzvo rekusimudzira budiriro. Zvimwe zvezvikoro zvakatovandudzwa kuburikidza nekupendwa zvinosanganisira mapuraimari nemasekondari anoti Mushongwi,…

Ospina, Welbeck parumananzombe

DANNY Welbeck naDavid Ospina vanogona kubva kuEmirates Stadium zvichitevera kutengwa kwakaitwa vamwe vatambi vatsva naUnai Emery.

Mwana (10) akapondwa nevana vechikoro

‘Vaitamba chikudo’ Vadzingirwa mari CHIKWATA chevana 4 vepachikoro chepuraimari chiri kwaKasekete, kuMuzarabani, vari kupomerwa mhosva yekuponda mwana weGrade 3 nekumuita dititi kusvikira afa.

Mabasa okurima osimudzirwa

KAMBANI inoona nezvekurima yeCorteva Agriscience – iyo inoshanda iri pasi peDowDupont Agricultural Division – yosimudzira nyaya dzekurima muZimbabwe kuburikidza nekushanda nemakambani anouchika mbeu akadai sePioneer nePanner kuti agadzire mbeu dzemhando…

St Angela yopakura dzidzo yepamusoro

CHIKORO cheSt Angela Academy icho chiri kuBorrowdale, muHarare, chinoti vana vechikoro vanofanira kuva shasha mukudzidza, kuita zvemitambo pamwe nekuva nehunhu hwakanaka.

×