Ospina, Welbeck parumananzombe

DANNY Welbeck naDavid Ospina vanogona kubva kuEmirates Stadium zvichitevera kutengwa kwakaitwa vamwe vatambi vatsva naUnai Emery.

Arsenal yakatenga vatambi vakawanda nemari inodarika £70 miriyoni kubva pakavhurwa mukana wekutenga vatambi vatsva izvo zvakaona vamwe vakaita saLucas Torreira naMatteo Guondouzi vachiuya muchikwata ichi.

Vamwe vakatengwa ndevanoti Stephan Lichsteiner, Sokratis naBernd Leno.

Zvakadai, nyaya huru yavepo kuchikwata chekuLondon ichi kutengesa vamwe vatambi uye sekutaura kweDaily Telegraph zvichaisa ramangwana revamwe vanoti Welbeck naOspina patambo.

Vaviri ava vose vange vari kumutambo weWorld Cup nezvikwata zvavo kuRussia.

Welbeck akakwanisa kutamba kamwe chete muchikwata cheEngland kozoti Ospina aive muchikwata cheColombia icho chakazokundwa nechaGareth Southgate pamapena.

Apo Welbeck kondirakiti yake yasara negore rimwe chete, chinzvimbo chake muchikwata ichi hachizivikanwe zvichitevera kutengwa kwakaitwa Alexandre Lacazette naPierre-Emerick Aubameyang mwaka wadarika.

Muchinda uyu akakwansia kutamba ka43 muchikwata chemaGunners mwaka wadarika, asi mukana wekutanga mitambo waive mishoma sezvo akangotanga mitambo 12 chete muPremier League. — SportsMail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *