Mabasa okurima osimudzirwa

KAMBANI inoona nezvekurima yeCorteva Agriscience – iyo inoshanda iri pasi peDowDupont Agricultural Division – yosimudzira nyaya dzekurima muZimbabwe kuburikidza nekushanda nemakambani anouchika mbeu akadai sePioneer nePanner kuti agadzire mbeu dzemhando yepamusoro.Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau uye vamwe vatsigiri muHarare, VaPrabdeep Bajwa vanova commercial unit director kuCorteva vachimirira dunhu reAfrica Middle East vanoti donzvo ravo nderekuona kuti zvirimwa zvachengetedzwa uye zvichiwana misika mikuru.

“Mugore ra2007, Dupont neThe Dow Chemical Company zvakaita chibvumirano chemushandirapamwe vakaumba DowDupoint chinangwa chiri chekusimudzira kurima kune pundutso muZimbabwe. Corteva iri pamberi munyaya dzekugadzira mbeu dzemhando yepamusoro pamwe nekuchengetedzwa kwezvirimwa pasi rose. Zita redu idzva richaona veruzhinji vachiwaniswa chikafu chemhando yepamusoro,” vanodaro.

Vanoti Corteva inozivikanwa mukusimudzira mbeu dzinogadzirwa nekambani yePioneer nePanner muZimbabwe.

“Munyaya dzekuchengetedzwa kwezvirimwa, tine mishonga yakasiyana inorwisa makonye, sora netwumbuyu zvakadai seFall Army Worm, Tuta Absolta, mhashu nezvimwe. Tine mabhindauko matsva ayo achaona varimi vachipunduka mukurima kwavo,” vanodaro.

VaBajwa vanoti kambani yavo iri kutsigira zvakare nyaya dzeongororo muZimbabwe nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima.

Kambani iyi iri kuita mabhindauko ekurima kunzvimbo dzinosanganisira Juru Growth Point kwaMurehwa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *