Zvikoro zvoda $9bn
Blessings Chidhakwa ange ari kuHURUNGWE— HURUMENDE inoda mari inosvika $9 bhiriyoni yekuvaka zvikoro zvitsva zvepuraimari nesekondari munyika yose kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.
Simudzirai mwanasikana: Mutsvangwa
GURUKOTA reHurumende rinomira dunhu reManicaland, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti mwanasikana awaniswe mukana wefundo sezvinongoitwa mwanakomana.
Pivac ave panyanga
WAYNE Pivac ndiye akasarudzwa kuti azotsive Warren Gatland semurairidzi weWales gore rinotevera pachapera mutambo weWorld Cup.
Mwana akanwiswa mapiritsi anodhaka
MUKOMANA wekuChitungwiza ane makore 18 ekuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu nedare reko mushure mekubatwa nemhosva yekupamba kakomana kane makore 12 pamwe chete nekukadhakisa nemapiritsi.
Okinditswa nemukadzi wemapoto
Lizzy Mushoriwa— MURUME wekudhonzera shamwarikadzi yake yemapoto kudare achiti iri kugara ichimurova nekumutuka akazoshaya pekupinda zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake.
8 vakaba chitunha
. . . nacho kubhawa tande CHIKWATA chevanhu vasere vekuChitungwiza nekuBeatrice – avo vakaita mashura ekutora chitunha chemunhu, kwava kutenderera nacho mumaraini nemumabhawa umo vaitorera vanhu doro – chakapihwa chirango…
Haaitambwa guva
Munyaradzi Gunduza— SVONDO rino tinopedzisa ongororo yetsika nemagariro evanhu muchinyakare.
Runga mutauro netsumo nemadimikira
Ticha Danga— TAKABATA twese twakanangana nekunyora kwakanaka zvekuti kana tese takabata ipapo, hatifanirwi kusangana nedambudziko ringatisvetera goho redu. Chotoita iye zvino dakara tinyore bvunzo muna Gumiguru kutarisa zvakanangana nedzokorodzo apo…
Chikudo bodo muzvikoro!
SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru yemwana wechikoro wemakore 10 okuberekwa wekuMuzarabani, uyo anonzi akarohwa akafa nevamwe vake apo vaibva kuchikoro.
Midzimu yaipirwa
Munyaradzi Gunduza— Tsanangura pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotevera dzekupira midzimu; Doro remukwerera, Kuteketera kwavadzimba, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]




