Bhinzi nesadza, pachingwa
ZVIRI MUGAPU BHINZI kudya kune utano nekuti dzine mapuroteni uye dziri nyore kubika sezvo dzisina zvakawanda zvinodiwa.
Mambo odzidzisa vana tsika nemagariro
MAMBO Njelele vekuGokwe nemudzimai wavo vari kurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vari pasi pezera uyewo nekuti vapihwe kodzero dzakaenzana nevanakomana munyaya dzedzidzo.
Kurima Broccoli zvine hunyanzvi
Clemence Mucharedzeyi— NHOROONDO yechirimwa chinonzi Broccoli (Brassica Oleracia Var Italica) yakabva nekuItaly. Ichi chirimwa chinozikanwa nekuva nekudya kunodzivirira muviri zvakanyanya.
Batsirai murwere wegomarara
MUKADZI wemuHarare apererwa nezano nekuda kwedenda regomarara iro rakonzera kuti zamu rake rekuruboshwe riite buri hombe uye ari kushaya mari yekunorapwa kuchipatara.
Musatengese donje kunze nechitsotsi: Zfu
SANGANO rinomirira varimi munyika muno reZimbabwe Farmers Union (ZFU) royambira kuti vasiyane nekatsika kekutengesa donje kunze kwenyika nechidzviki sezvo izvi zvichikanganisa kusimukira kwemabasa ekurima neupfumi hwenyika.
Vakawanda vovhenekwa chegomarara
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vari kunovhenekwa gomarara hwawedzera kubva pa100 000 kuenda pa200 000 gore rino uye vanhu vanodarika 60 000 vakatovhenekwa chirwere ichi kubvira mumwedzi waNdira…
Tinoda var muZim
SANGANO rinotungamirira nyaya dzenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti riri kutevera gwara reFederation International de Football Association (Fifa) nekuunza muchina weVideo Assistant Referee (VAR) muZimbabwe uyo unobatsira varidzi vepembe…
Tembo akaparura dambarefu
SHASHA munyaya yemusambo weSungura — Paradzai ‘Tembo’ Gaimbe (47) — nechikwata chake cheThe New Blue Seeds vakabura dambarefu ravo rekutanga rinonzi Chipo Changu iro rine nziyo shanu.
Oroverwa chitsidzo chepamuchato
Gamuchirai Muzanenhamu— VANHU vaiva mudare vakakahadzika apo mumwe mukadzi akati ari kuoneswa pfumvu nemurume wake uyo anogara achimurova achiti ane mvumo yekumuzvindikita sezvo vakaita chitsidzo pavakachata chekuti vachaparadzaniswa nerufu.
Guva remwana rakavhurwa nemapositori
. . . sabhuku akapihwa $2 MUKADZI anopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu uyo anga akaroorwa mubhuku raChitate, kwaSeke, anoti chitunha chemwana wake chakafukunurwa “neabiya” ake mapositori echechi iyi vachipa chikonzero…











