Oroverwa chitsidzo chepamuchato

Gamuchirai Muzanenhamu—

VANHU vaiva mudare vakakahadzika apo mumwe mukadzi akati ari kuoneswa pfumvu nemurume wake uyo anogara achimurova achiti ane mvumo yekumuzvindikita sezvo vakaita chitsidzo pavakachata chekuti vachaparadzaniswa nerufu.

Masara Chadya akaendesa Jackson Chadya kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutyisidzira nekumurova.

“Murume wangu anondityisidzira pose patinopesana mafungiro kana kundirova zvakaipisisa,” anodaro.

Anoti Jackson ari kushandisa zvitsidzo zvavakaita pamuchato wavo vachiti vachaparadzaniswa nerufu.

“Ari kushandisa zvitsidzo zvepamuchato kundityisidzira achiti takapikira kuparadzaniswa nerufu saka ane mvumo yekundirova ndofa, ndiko kuti tisiyane.

“Kubasa chaiko anondirambidza kuenda achiti akati achandichengeta asi hapana kundichengeta kwaari kuita,” anodaro Masara.

Anoenderera mberi achiti akabva pamba asi Jackson ari kuramba achimutevera. “Ndakatobva pamba pandakawana basa asi iye ari kuramba achitevera nekunditumira mameseji achindituka nekundityisidzira,” anodaro Masara.

Jackson anoti haapikisane nechikumbiro chaMasara kunyangwe zvazvo achiti ari kutaura manyepo.

“Kana zviri izvo zvaari kuda handirambirane nazvo, asi kuti zvese zvaataura manyepo,” anodaro.

Anoti achiri kuda zvekutaura naMasara sezvo ari kugara nevana vanenge vachidawo amai vavo.

“Kuti ndisataure naye zvinonetsa nekuti akandisiya nevana, saka ndinogona kuzoda kutaura naye zvimwe zvinenge zvichidiwa nevana kana kuti vana vacho ndivo vanenge vachida kutaura, ndinozoita sei kana iye achiti haachada kutaura neni kana kundiona?” anodaro Jackson.

Masara anoti Jackson ane mvumo yekufona kana kutaura naye zvevana pasina kutukana.

“Kana zviri zvevana ngaataure neni asingandituke kana kundityisidzira,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Masara gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *