Ogara nhaka baba vapenyu

Janet Chari—

MURUME wekuTafara, muguta reHarare, akapotera kudare achiti mwanakomana wake anoda kumuuraya zvichitevera kutuma kwaakaita mukoma wake kuti anochinjanisa mombe yaakange apihwa nemukuwasha paroora remwanasikana wake.

Lovemore Chipuriro akamhan’arira Japhet Chipuriro kuHarare Civil Court achiti ari kumutumira mashoko panhare yake ekuti anoda kumuuraya.

Anoti mukuwasha wake akange amupa mombe iyo asina kufara nayo, nekudaro akazotuma mumwe mwanakomana wake anove mukoma kuna Japhet, kuti anoichinjisa.

“Mhosva yangu ndeyekuti ndakatumirei mukoma wake kuti aende kunodzosera mombe yandaida kuchinjirwa kumba kwemukwasha,” anodaro Lovemore.

Baba ava vanoenderera mberi vachiti Japhet anofunga kuti ari kusarudzwa pane zvose zvaanoita zvokuti kana hembe dzavo dzose dzaive kumusha akatora asina kupihwa.

“Ndinomuda semadiro andingoita vamwe vose.

“Asi iye hameno kuti chaanonyanya kuda kuti ndimuitire chii zvekuti angasvika pakundibira hembe dzangu dzose,” anodaro Lovemore.

Anoti anoda kuti Japhet adziviswe kusvika pamba pake asi vehukama pavakanzwa nyaya iyi, vakabva vapindira vakamudzivisa kuti asadaro mwana wake.

“Ndaitoda kuti adziviswe kusvika pamba pangu nekuti ndanga ndave kutya kufa asi hama dzangu dzakandirambidza,” anodaro Lovemore.

Japhet anoti baba vake havaite zvinhu nenzira yakajeka izvo zvinoita kuti vapedzisire vasisawirirane.

“Baba vakatuma munhu akanga asiri kumusha kuti anotarisa mombe kumukuwasha asi ini naamai taivako tikatozoita zvekunzwa nemakuhwa,” anodaro Japhet.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Lovemore gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *