Rimai mbeu yakauchikwa: Shiri

Lizzy Mushoriwa naGamuchirai Muzanenhamu GURUKOTA rebazi rezvekurima nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri, vanoti zvakakosha kuti varimi varime mbeu yakauchiukwa kuitira kuti vawane goho guru.

tb handi mamhepo: N’anga…Varapi vechivanhu vopa chenjedzo yerurindi

Muchaneta Chimuka ZVAKAKOSHA kuti varapi vechivanhu nevemachechi vave neruzivo rwakadzama pamusoro pechirwere cherurindi (TB) sezvo vari panyatwa yekutapurirwa kana kutapurira vanhu vavanobatsira panguva iyo vanenge vachibata mabasa avo ekurapa.

New Curriculum ‘mugiya’ dzvuku…Zvikoro 3000 zvava nemabhuku e$9m … Zvimwe 6000 zviri pedyo kubatsirwawo

Tandayi Motsi GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende yawana mabhuku ekuverenga evana neevarairidzi eNew Curriculum anokosha $9 miriyoni ayo akatotanga kuendeswa kuzvikoro 3 000 zviri kumativi mana…

mwari anonditi shandisa mishonga: muporofita…‘Apa ndakasimudzwa nekutengesa kachasu’

Kingstone Mapupu MUPOROFITA wekuMadziva, kudunhu reMashonaland Central, anoti ari kushandisa mishonga yechivanhu kurapa varwere, zvisinei nekuti chechi yake haitendere kuita izvi.

Hatitye: Herentals. . . tauya zvachose

Abel Ndooka ZVIKWATA zvichangopinda muPremier Soccer League – Herentals Football Club neNichrut FC – zvinoti zvicharwa zvimire kuti zvisaburitswe muligi iri pakupera kwemwaka wenhabvu uye hazvizi kuzovhunduka kusangana nezvikwata zvikuru.

vasikana vodhakiswa, vozobhinywa

Muchaneta Chimuka SANGANO reCoalition of Zimbabwe riri kuita mabasa ekurwisa nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanasikana nenzira yechibharo — zvikuru nevanhu vanenge vari murudo navo kunzvimbo dzakadai sedzekumafaro, Kwayedza yakaziviswa.

Kasvava kakabiwa ‘nemuenzi’

Kingstone Mapupu naRon Zvawada MHURI inobva kwaNyashanu, kuBuhera, asi ichigara kuEpworth, muHarare, yakasara izere nekusuwa kukuru zvichitevera kubirwa kwainonzi yakaitirwa kasvava kane masvondo matatu ekuberekwa nemuenzi wechikadzi.

Zvirimwa zvakatsva, ndokuny’udzwa

Kingstone Mapupu VARIMI vekudunhu reBuhera vanoti vave kutarisira kukohwa zvirimwa zvidiki zvinoshingirira muzuva zvichitevera kutsva kwakaita chibage nezvimwe  kuburikidza nekumborega kunaya zvakanaka kwakaita mvura uyewo nekuzony’udzwa nemvura yakazouya yakawanda.

‘Kwayedza rinobatsira pakudzidza’

Daphne Machiri CHIKORO cheDaramombe High School icho chiri kuChikomba, kuMashonaland East, chinorumbidza bepanhau reKwayedza nekubatsira kwariri kuita vana kuti vabudirire mubvunzo dzavo dzeShona paO- neA-Level.

Akatyorwa hudyu imba yadhirika

Muchaneta Chimuka MURUME wekwaSeke anoti akapona neburi retsono apo akatyoka hudyu zvichitevera kudhirikirwa kwaakaitwa nemba yaaipunza iye nevamwe vake kuti igovakwa patsva.

×