‘Kwayedza rinobatsira pakudzidza’

Daphne Machiri
CHIKORO cheDaramombe High School icho chiri kuChikomba, kuMashonaland East, chinorumbidza bepanhau reKwayedza nekubatsira kwariri kuita vana kuti vabudirire mubvunzo dzavo dzeShona paO- neA-Level.

Senior Teacher pachikoro ichi, Mai Courage Chikasha, vanoti vave nemakore anopfuura makumi maviri vachidzidzisa Shona iyo vana vavo vari kubudirira zvikuru pabvunzo.

“Chidzidzo cheShona tinochikurudzira zvikuru sezvo chichivaka tsika dzevana vechikoro. Ini ndinodzidzisa vana veO- neA-Level uye vandakafundisa A-Level gore rapera, vanomwe vavo vakabuda nemaA, 7 vaiva nemaB nevaviri vakaita maC.

“PaO-Level, vana vakapasa nechikamu che84% asi tine tarisiro yekusvikawo mu100% sezvakaita veA-Level,” vanodaro.

Mai Chikasha vanoti Kwayedza riri kubatsira zvakanyanya kuvana vechikoro mukudzidza Shona kuburikidza nezvarinoburitsa, kusanganisira zvikamu zveDenhe Reruzivo.

“Kwayedza riri kubatsira kuti vana vakwanise kunyora nyaya dzinonakidza kubudikidza nekuverenga nyaya dzemo dzakasiyana-siyana. Pakudzidza Shona, ukawana Kwayedza wapedza. Asi tinoda kuti bepanhau iri riwedzerewo zvakaita sezviyerwa nezvimwe zvave muNew Curriculum uye rikadaro rinenge ratigonera.

“Kunyanya paO-Level, kuongororwa kwemabhuku kuri kubatsira zvakanyanya panguva yatinenge tiine mabhuku mashoma,” vanodaro Mai Chikasha.

Vanoti vanoitawo misangano nezvimwe zvikoro vachipangana mazano ekudzidzisa Shona.

“Tinoita misangano nezvimwe zvikoro zviri maGutu neBuhera tichipangana mazano ekudzidzisa vana Shona.”

Mai Chikasha vanokurudzirawo vana kuti vafarire chidzidzo cheShona pamwe nekushanda nesimba mufundo yavo.

“Mushonga kuverenga, shamwari yakanaka ibhuku. Ndiwo mashoko angu kune vana vechikoro uye kuvadzidzisi ndinongoti mwoyo pabasa. Vana vanoda kupiwa basa vachitariswa kunyora nemaverengero avo,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *