Varimi vochema-chema nemapere

Kingstone Mapupu naAdrian Mawurukira VARIMI vekunzvimbo yeMunamba kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwemapere arura ayo vanoti ari kudzosera kumashure basa ravo rekupfuya mbudzi nezvimwe zvipfuyo.

President vofumura matsotsi

Tandayi Motsi PRESIDENT Mnangagwa svondo rino vakazivisa mazita emakambani nevanhu vakazvimirira avo vasina kudzosa mari inosvika $1 bhiriyoni yavakaendesa kunze kwenyika zvisiri pamutemo, zvisinei nekuti Hurumende yakange yavapa mwedzi mitatu…

Ndakakinditswa nevaroyi: N’anga

Kingstone Mapupu N’ANGA inozivikanwa nezita rekuti Sekuru Booster inoti yakapotsa yafa apo yakatungwa nenyanga yemuroyi pachipfuva ndokusara yorutsa ropa uye ndokuzorumwa nenyoka munyaya yasiya murume uyu asisina kana neremuromo.

Mitambo yeCastle Lager psl ya2018

Match Day 1 Nichrut v Mutare City Chicken Inn v Dynamos Ngezi Platinum Stars v Herentals Highlanders v Black Rhinos ZPC Kariba v FC Platinum Yadah v Bulawayo Chiefs Caps…

akapa mwana mimba… ‘Ndaifunga kuti abva zera’

Muchaneta Chimuka MURUME wekuChitungwiza ari kubvuma mhosva yekuti akabata chibharo kasikana kane makore 14 ekuberekwa ndokukapa pamvuri achipa chikonzero chekuti aidanana nako uye kainge kamunyepera makore ako ekuberekwa kachiti kane…

Akabhinya vana vake 2

Kingstone Mapupu MURUME wemuHarare ari kunzi akabata chibharo vanasikana vake vaviri — ane makore 6 neane makore 11 okuberekwa —zvekusvika pakukuvadza mudiki wacho uyo anonzi aimuita zvakare chingochani.

MAONERO EDU: Hohwa – Ko kuhuregera?

MUNGUVA ino yemwaka weZhizha hohwa huri kubuda hwakawanda kunzvimbo zhinji dzenyika nekuda kwemvura iri kunaya.

‘Ichokwadi, ndinorova murume’

Gamuchirai Muzanenhamu MUDZIMAI wekumiswa mudare neaimbove murume wake achinzi anomurova anotsinhira kuti ichokwadi kuti anomuzvambaradza nechikonzero chekuti anopedzera mari kushamwarikadzi asi mwana wavo achidzingwa kuchikoro nenyaya yekusabhadharirwa mari.

‘Mwana wangu imbavha’

Lizzy Mushoriwa BABA vekuti vaoneswa ndondo nekugara vachibirwa zvinhu zvinosanganisira DVD nemwanakomana wavo, vakazomukwirira kumatare edzimhosva vachiti havachadi kuti asvike pamba pavo.

Mabasa engano

Munyaradzi Gunduza NGANO mutambo waitambwa pakati pasarungano navateereri. Chimwe chinangwa chengano chaive chekutandadza vateereri sezvo makare kare kwainge kusina midziyo yakawanda yakaita samawairesi, zvivhitivhiti, nhare nemakombiyuta zvave kushandiswa mazuva ano…

×