Pastor ane ruchiva

Munyaradzi Gunduza NDIANI waungati ndiye mutambi mukuru muna Kereke Inofa? Tsigira nezvinhu zvisere zvaanoita mumutambo uyu. [25] Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoendesa Zebra kuUK. Zvinobuda pavanomutengera tikiti rekukwira ndege asingazive…

‘Mukadzi wangu anounza zvikomba zvake pamba’

Gamuchirai Muzanenhamu MUKADZI wekuendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achiti haachadi kumuona nekuti ari kumushungurudza akazoshaya pekupinda apo akafumurwa kuti anounza zvikomba pamba pemurume uyu. Theresa Magombedza akadhonzera Cleopas Macheka…

Mabhinya: ‘Hapana zvinobatika zviripo’

Malven Mugadzikwa naKumbirai Bakuri MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti haasati awana chokwadi chaicho chiri pamusoro pemashoko ari kutenderera — kunyanya padandemutande – achiti kune mabhinya ari kubata nekuchekeresa vanhu…

Mapurisa ari kuferefeta baba vekubhinya vana

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vachiri kuferefeta nyaya yemurume wemuHarare ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo vavasikana vake vaviri — ane makore 6 neane makore 11 okuberekwa —…

Kushandisa fananidzo murondedzero

Ticha Danga DONZVO redu muchirongwa chino nderekuda kugadzira ugo hwemwana kuti husimbaradzwe uye hugoburitswa kubudikidza nekunyora rondedzero kana zvimwe zvinyorwa zvechiShona zvakadzama. Mukuita izvi, tinoedza chose kupa vana zvombo zvekushandisa…

Varume ava imbwa here kana kuti inyoka?

naIgnatius Mabasa HANDISI Mwari, asi ndiri mwana waMwari. Ndinofunga kuti kana munhu wave muKristu, pane zvinobuda mauri, pachipinda zvitsva zvinobva kuna Mwari. Handibvume kuti muKristu haakure, haashanduke nekuti chiKristu chinoreva…

Vonangana huroyi, humbavha

Gamuchirai Muzanenhamu VARUME vaviri vaimboshanda vose vakazonetsana zvekusvika pakuendesana kudare redzimhosva vachipumhana huroyi pamwe nehumbavha. Thulani Mazarura akamhan’arira Givemore Mutsigiri kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kutaura mashoko asina kufanira…

mudzidzisi raira – Kunyorwa kwezviito

Madham Chiks kuCHIVHU SVONDO rino tinoda kutarisa mhosho dzinonyanya kuitwa nevana pamatanho ose anoti puraimari, O- neA-level. O-level tinenge tichireva kubva Fomu 1 kusvika Fomu 4. Mhosho dzatinoda kutarisa svondo…

‘Munhu haadyiwe zvekumhanya’

Kingstone Mapupu NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyama yemunhu haingodyiwa nhando uye kana muroyi akaidya asina kupihwa mhiko nevakuru vake, anogona kuwora mazino kana kusangana nemamwe matambudziko. Izvi zvinotevera nyaya yemurume wekwaZimunya,…

Kuti zvifambe . . .mambo akatenga chitunha chemunhu

Kingstone Mapupu MURUME wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa — uyo anozviti muroyi wemandiriri — svondo rapera akawanikwa aine mapfupa emunhu mumba make, ndokudura kuti ndeechitunha chemuzukuru wake icho akatengesera Mambo Chinhamora vekuDomboshava,…

×